Accessibility links

Breaking News

Voruzhinji Voramba Vachiomerwa neHupenyu


Vanhu vakawanda vanoti hupenyu huri kuramba huchivaomera sezvo vasina mari yakawanda inoita kuti zvinhu zvivarerukire. Vashandi vehurumende vari kutambira mari dziri pasi pemazana maviri nemakumi mashanu emadhora pamwedzi. Mari iyi haina zvakawanda zvainoita.

Apo veruzhinji vari panguva yezororo rekisimusi negore idzva, vakawanda vanoti vari kutamba zororo iri zviri nani kana zvichienzaniswa nezvakanga zvichiitika munyika musati mava nehurumende yemubatanidzwa.

Kunyange hazvo zvinhu zvava nani, hupenyu huchakati omeyi kune vakawanda. VaBekithemba Nkomo vanoita basa rekuvaka muBulawayo. VaNkomo vanoti ichokwadi zvinhu zvave nani munyika, uye vanhu vakawanda vave kukwanisa kurarama.

Asi mumwe murairidzi anoshanda ari kuHwange, VaHamilton Dube, vanoti ivo sevashandi vehurumende, vari kutambira mari shoma shoma, nokudaro hupenyu huri kuvaomera.

Mumwe mushandi wemuBulawayo, VaDavid Mazhira, vanotiwo zvinhu zviri kuomera veruzhinji sezvo mitengo yezvinhu iri kuramba ichikwira. VaMazhira vanoti kambani yavanoshandira inovatambirisa mihoro inenge isina kukwana zvekuti vakatotadza kuenda kumusha pazororo.

Vazhinji vanobvumirana kuti mugore idzva ratave kupinda, dai hurumende yagadzisirisa nyaya yemihoro yevashandi, kuitira kuti hupenyu hwavo, huvaitirewo nyore.

XS
SM
MD
LG