Accessibility links

Breaking News

VeNational Gallery Of Zimbabwe Voratidza Zviratidzwa Pachena Mukucherechedza Zuva reInternational Museum Day


VeNational Gallery Of Zimbabwe vati vachange vasingabhadharise vashanyi vachange vachienda kunoona zviratidzwa kumizinda yavo nemusi weChitatu senzira yekucherechedza zuva reInternational Museum Day, iro richange richi cherechedzwa musi uyu pasi rose.

Zuva iri, iro riri pasi pedingindira rinoti Museum And Memory”, riri kunanganawo nevhiki rekucherechedza tsika nemagariro munyika, reZimbabwe Culture Week, iro rakatanga nemusi weMugovera uye richapera neMugovera unotevera.

Sangano reNational Arts Council Of Zimbabwe riri kukurudzira veruzhinji, hurumende pamwe nevemabhizimisi kuti vacherechedze svondo rino apo pachange pachicherechedzwa tsika nemagariro.

Curator veNational Gallery Of Zimbabwe vaRaphael Chikukwa vati chishuwo chavo ndechekuti veruzhinji vakoshese tsika nemagariro, kunyanya vechidiki.

XS
SM
MD
LG