Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanomutsiridza Chibvumirano cheKudyidzana kweZimbabwe neTanzania


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiriri wenyika Va Emerson Mnangagwa vadzoka kumusha neChishanu masikati mushure mekushanya kuTanzania kwemazuva maviri.

VaMnangagwa nemutungamiri weTanzania, VaJohn Magufuli vakanyorerana chibvumirano chekudyidzana kwenyika mbiri idzi, icho chinobata zvehutano, kudzivirirwa kwenyika, magariro, dzidzo pamwe nezvemitambo.

VaMnangagwa vaenderera mberi nemharidzo yavo yekuti Zimbabwe yakavhura mikana yemabhizinesi.

Vasati vasimuka, VaMnangagwa vashanyirawo chikoro chezvekurima cheKaole Wazazi, vakazopendera rwendo rwavo nekusangana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi izvo zvavavimbisa kuti hurumende yavo ichaita pese painogona napo kugadzirisa zimbabwe patsva.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaMasimba Kuchera vanoti kuumba hukama pakati penyika dzemuAfrica kwakanaka uye kunogona kupa Zimbabwe mikana yekuvandudza hupfumi hwenyika.

VaKuchera vanoti mharidzo yaVaMnangagwa yakanaka asi zvave kuda kuti vachiitawo zvavanotaura.

Vanoti chibvumirano cheJoint Permanent Commission chakaitwa muna 1980 pakati penyika yeZimbabwe neTanzania chakakosha zvikuru, vachiti kumutsiridzwa kwechibvumirano ichi kwakanaka kuchibatsira nyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG