Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Okurudzira Runyararo Munguva dzeSarudzo


Mapurisa anoti veruzhinji vanofanirwa kusiyana netsika yekuita zvemhirizhonga inowanowanda zvikuru munguva yesarudzo.

Mashoko aya ataurwa neChitatu kwaMutare nemutauriri wemapurisa mudunhu reManicaland, Assistant Inspector Luckson Chananda, pamusangano wekuparura gwara remirawu inofanirwa kutevedzwa senzira yekupedza mhirizhonga yezvematongerwo enyika.

Musangano uyu wange wakarongwa nesangano reJoint Monitoring and Implementatioin Committee, Jomic, iyo iri kufamba nehurongwa hwakadai mumatunhu ose enyika.

VaChananda vanoti pane zvinhu zvakati kuti zvinokonzeresa mhirizhonga yezvematongerwo enyika. Vanoti izvi zvinosanganisira kusambira kusiyana kwemafungiro muhupenyu kuri muvanhu pamwe nekutadza kuremekedza zvido zvevamwe.

VaChananda vanoti vatsigiri vezvemapato ezvematongerwo enyika vanofanirwa kutambira kusiyana pamafungiro evanhu mukugarisana kwavo, vamwe vachisungirwawo kutambira musiyano uyu.

VaChananda vanotiwo vatungamiriri vemapato ezvematongerwo enyika vanofanirwa kushambadzira zvakasimba shoko reruranyararo pose pavanosangana neveruzhinji, pamwe nekuita nguva dzose zvavanoshambadza.

Imwe nhengo yeJomic, Amai Leah Munyaradzi, vanoti gwara remirawu yemapato ezvematongerwo enyika rinopa mukana wekuti hutungamiriri hwemapato ose hunge huchiziva mashoko ekutaura panenge pakaungana veruzhinji, senzira yekudzivirira kutaura mamwe mashoko anozokonzera mhirizhonga.

Amai Munyaradzi vanotiwo vatori venhau pamwe chete nevatungamiriri mumapoka ezvematongerwo enyika vane basa rakakosha rekudzivirira mhirizhonga, kuburikidza nezvavanotaura, pamwe nezvavanoita.

Boka reJomic rakaumbwa muna Kukadzi wegore ra2009 mushure mekuumbwa kwehurumende yemubatanidzwa muna 2008.

Chinangwa chesangano iri ndechekuongorora nyaya dzemhirizhonga yezvematongerwo enyika, pamwe nekutsvaga nzira dzekupedza mhirizhonga iyi.

Zvimwe zvezvimwe zvinotarisirwa kunge zvichiremekedzwa nemapato ezvematongerwo enyika kuti vanhu vange vakasununguka mukusarudza vanovatungamirira pasina kutyisidzirwa kana kurohwa uye kusashandisa manzwi okunyomba uye anokurudzira mhirizhonga muvanhu.

Jomic iri kupinda mumatunhu ose ari munyika ichiita misangano yekukurudzura kushandiswa kwemurawu wakabvumiranwa nemapato munguva dzesarudzo.

Musangano wemaMutare wapindwa nevamiriri vemasachigaro ematunhu mumapato ezvematongerwo enyika eZanu PF, MDC-T, pamwe ne MDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube.

MDC-T yange yakamirirwa naVaBhera Manase, Zanu PF naVa Masimbamakuru Kangai, ukuwo MDC-N naVaDavis Mundirwira.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG