Accessibility links

Mutambo weChibuku Super Cup Woita Mhirizhonga

  • Michael Kariati

Caps United

Mutambo weChibuku Super Cup pakati peCaps United neShabanie Mine wakagumira munzira zvichitevera mhirizhonga yakaitika.

Mutambo uyu wakagumira panzira apo vatsigiri veCaps United vakakanda zvinokuvadza munhandare mushure mekunge mubatsiri wemubati wepembe, VaThomas Kusosa, vakaramba chibodzwa chakakandwa naKudzi Nyamupfukudza.

Panguva yakamiswa mutambo, Shabanie Mine yaive ichitungamira 1-0 nechibodzwa chakabva kuna William Mapfumo asi mhirizhonga yakabaka apo VaKusosa avo vaive vakabata mureza vakataurira mubati wepembe, VaPilani Ncube, kuti paive paita kusandudzirana Nyamufukudza asati anwisa chibodzwa.

Izvi hazvina kufadza vateveri vemaGreen Machine avo vakatanga kukanda zvinokuvadza kuvabati vepembe kunyanya kuna VaKusosa avo vakarohwa mumusoro nebhotoro.

Asi mumwe muteveri wenhabvu, VaEdward Kuipa, vanoti kana zvinhu zvasvika pakukuvadzana zvekusvika pakurovana nemabhotoro hausisiri mutambo wenhabvu.

Muongorori wezvemutambo wenhabvu, VaTudmund Goredema, vanoti zvinonetsa kupedza mhirizhonga kumitambo yenhabvu nekuti vanofanira kuchengetedza runyararo vari kuuya kuzoona mitambo kwete kuzoita basa ravo.

Aka kave kechipiri mwaka uno mitambo mumakwikwi aya ichigumira munzira zvichitevera zvakaitika masvondo maviri apfuura apo mutambo pakati peYadah neChicken Inn usina kupera apo maGame Cocks akabuda munhandare vasina kugutsikana nepenareti yaive yapihwa Yadah nemubati wepembe.

Izvi zvave kureva kuti kechipiri mumakwikwi aya, komiti yezvemitemo yePremier Soccer League ichagara pasi zvekare kutarisa zvakaitika muMaglas Stadium nezuro nekuona kuti mutambo uyu wofambiswa sei.

Asi mimwe mitambo yeChibuku Super Cup yakaenderera mberi semarongerwo aive akaitwa. Chikwata cheHarare City chakapinda muma semi fainari mushure mekukanga Black Rhinos 1-0 muRufaro Stadium nemugovera.

Murairidzi weHow Mine, Kelvin Kaindu, atarisana zvekare nemukombe wake wekutanga kubvira atanga kurairidza muZimbabwe mushure mekunge chikwata chake cheHow Mine chakadambura Chapungu 2-1 muAscot Stadium neMugovera.

Zvibodzwa zvakabva kuna Peter Rio Moyo naTinashe Makanda zvakapa How Mine mufaro panguva imwecheteyo Bulawayo City yakabudirirawo nekurova Yadah 1-0 muBarbourfields Stadium nezuro.

Zvakamira zvakadai, chikwata chenyika chemutambo werugby cheZambezi Cheetahs chichange chiri kumakundano e2018 World Cup gore rinouya kunyange hazvo vakarohwa 10-7 neUganda mumakwikwi eAfrica Rugby Sevens muKampala mukupera kwesvondo.

Zvikwata zviviri kubva kumakwikwi eAfrica Rugby Sevens aya ndizvo zvakabudirira kuenda kuWorld Cup zvichireva kuti Zimbabwe yave kubatana neSouth Africa neNamibia kunomirira Africa kuma World Cup kuSan Franscisco kuUSA gore rinouya.

Izvi zvakauya mushure mekunge maZambezi Cheetahs akarova Tunisia 27-12, ndokutevera izvi nekudambura Madagascar 21-10 vasati vasangana neUganda.

Aka kave kechina kakateverana Zimbabwe ichibudira kuenda kuWorld Cup.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG