Accessibility links

Breaking News

Masangano Anorwira Kuchengetedzwa kweKodzero dzeVanhu Ocherechedza Zuva reVakatsakatitswa


Amai Sheffra Dzamara, mudzimai waVaItai Dzamara nemawana wavo.
Amai Sheffra Dzamara, mudzimai waVaItai Dzamara nemawana wavo.

Zuva ra 30 Nyamavhuvhu rinonzi neUnited Nations izuva rekurangarira avo vese vakatsakatitswa pasi pose, zvikuru nenyaya dzezvematongerwo enyika uye mhuri dzavo idzo dzinenge dzichishungurudzika.

MuZimbabwe mune vazhinji vakatsakatika uye vasati vawanikwa kana kunzwikwa nezvavo kubva kuna muzvare Rashiwe Guzha, Paul Chizuze, Tonderai Ndira, Patrick Nabanyama, kusvika pana Itai Dzamara.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu akaita seZimbabwe Lawyers for Human Rights neZimbabwe Human Rights Association akacherechedza zuva iri nemusi weChitatu, 30 Nyamavhuvhu.

VaOkay Machisa, avo vanotungamira sangano reZimRights, vanoyambira hurumende yeZimbabwe kuti iregere zvokutsakatikisa vanhu uye iwongorore vakatsakatika vese ichiburitsa chokwadi pachena.

“Chinofanira kuitwa ndechokuti tese ticherechedze zvikuru avo vasati vawanikwa asi tichiyambirazve kuti hazvisi pamutemo kuti munhu anotaura zvaanotaura wongotsakatika zvisina rondedzero. Iyambiro yatinopa kuhurumende dzakasiyana siyana pasi pose zvikuru hurumende yatakatarisana nayo muno muZimbabwe.”

VaMachisa vakaenderera mberi vachiti, “Vanhu ngavaende vanojoina ma political parties avanoda; ngavaende vanovhotera munhu wavanoda; ngava tsigire munhu wavanoda pasina anomutevera; pasina anomushungurudza; pasina anomusunga; pasina anoita kuti anyangatike.”

Vanoti pane vanhu vakawanda vakatsakatika zvekuti havagone kudomeka nemazita.

“Zvakawanda chaizvo zvakaitika muZimbabwe. Tinoziva kuti nguva ye2008, pane vanhu vakatsakatika vakawanda, vakawanikwa nevasina kuwanikwa, panguva ye run-off elections iye; tinenguva yatakapinda muGukurahundi. Zvinhu zvakawanda chaizvo zvakaitika muZimbabwe zvakaita kuti vanhu vatsakatike.”

Vakatizve kuridziro yavangaita ndeyekuti hurumende ngaichengetedze kodzero dzevanhu, isawanikwa iri iyo inonyomba kodzero dzevanhu.

Kuvanhu veZimbabwe, vaMachisa vanoti vanhu vasagara vachishungurudzwa kana kurambidzwa kutaura zvavanofunga kuti zvingavaka nyika yavo nekuti zvinotenderwa nebumbiro remitemo yedu.

HURUKURO NAVA OKAY MACHISA
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG