Accessibility links

Breaking News

VeZanu-PF neNPF Votatsurana neNyaya yeZuva reKuzvitonga Kuzere


VaRobert Mugabe muna 1980
VaRobert Mugabe muna 1980

Apo vanhu muZimbabwe vari pazororo rekuwana kuzvitonga kuzere kwenyika, munyika hamuna kuwirirana zvachose kuti zvakarwirwa hondo yerusununguko ndizvo zviri kuitwa here, kana kuti kwete.

Vamwe vanoti vatungamiri vezvematongerwo enyika varasa gwara rehondo.

Asi vamwe vanoti zvinotora nguva kugadzirisa zvinhu, vachiti hurumende iri kuzama.

MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inoti hurumende yeZanu-PF inofanirwa kuona kuti vanhu vapihwa masimba anochengetedzwa nemitemo paminda yavo, sezvo vanhu vakaenda kuhondo kunorwira nyaya yeminda.

Bato iri rinotiwo vanhu vari kudzingwa munzvimbo dzavakagara, vasina kwekuenda.

Mutauriri webato rinopikisa National Patriotic Front, VaJealousy Mawarire, vanoti nyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu inoita kuti kupemberera zuva rekuzvitonga kuzere kunetse.

Asi sachigaro weZanu-PF kuBritain, VaMarshal Gore, vanoti hurumende iri kuyedza napose painogona kuzadzikisa zvido zvevana veZimbabwe.

Hurukuro naVaMarshal Gore naVaJealousy Mawarire
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG