Zvinhu munyika zvichiri zvakaita manyama amire nerongo zvitoro zvakavavharwa uye mauto nemapurisa achitenderera mumigwagwa.
Vanhu vakawanda mumisha inogara veruzhinji vari kuchema chema kuti vari kurohwa zvakaipisisa vamwe vachiitwa kafiramberi.
Muzinda weAmerica muZimbabwe uye mapato anopikisa kuSouth Africa anoti reEconomic Freedom Fighters ne Democratic Alliance ari kuti ari kushushikana zvikuru nemamiriro akaita zvinhu munyika.
Kunyange hazvo zvinhu zvaita manyama amire nerongo, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kuenderera mberi nerwendo rwavo kunyika dzekumabuda zuva kweEurope.
VaMnangagwa vange vari kuBelarus nemusi weChina uko vanga vachitsvaga nzira dzekusimbaradza hukama hweZimbabwe nenyika iyi.
ZIMSTAT inoti mutengo wekukwira kwezvinhu kana kuti Inflation wasvika pazvikamu makumu mana nezviviri kubva muzana izvo zvisati zvamboonekwa mumakore gumi.
Sachigaro wevechidiki muZanu-PF kuMashonaland West, VaVengai Musengi, vaudza Studio 7 kuti vanhu vanofanira kuratidzira murunyararo.
VaMusengi vashora MDC vachiti iri kukurudzira mhirizhonga mashoko akataurwawo negurukota rezvevasori, VaOwen Ncube.
Asi nhengo yeNational Executive yeMDC, Muzvare Maureen Kademaunga, vaudza Studio7 kuti kusungwa kwevamwe vechidiki veZanu-PF kuWhitecliff vachinzi vakapisa bazi reZUPCO munongedzo wekuti ndivo vari pamberi kuita zvemhirizhonga.
Facebook Forum