Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF neMDC Dzokakavadzana paMamiriro Akaita Zvinhu Munyika


VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vasvitsa mazuva zana nemakumi matatu nemanomwe vari muhofi kubva zvavatora mhiko gore rapera, vari kuvimbisa kuti gore ra2019 zvinhu zvichatanga kusanduka munyaya dzezvehupfumi.

VaMnangagwa vari kushanyira kunyika shanu dzekumabudazuva kweEurope kuyedza kutanga hurongwa hwekuvandudza hupfumi.

Asi vamwe munyika vanoti mutungamiri wenyika akandukana zvachose kuvandudza hupfumi kana zvematongerwo enyika.

Vanoti mitengo yezvinhu iri kuwedzerwa chero nguva, zvimwe zvinhu zvichishaika zvakaita semafuta ekufambisa dzimotokari.

Mari dzemihoro dzevashandi dziri kushaya simba zvapa kuti vashandi vehurumende varamwe mabasa.

Vakuru vemasangano emabhizmisi akaita seConfederation of Zimbabwe Industries vari kuyambira kuti hurumende ikaramba ichiti dhora rekuAmerica rakaenzana neRTGS nemabond notes makambani akawanda achavhara.

Muzvinabhizimisi vari nhengo yeZanu-PF, VaGilbert Muponda, vanoti VaMnangagwa vanoda nguva chete kuti vagadzirise zviri kunetsa munyika.

Asi mutauriri weMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaJacob Mafume, vanoti VaMnangagwa vari kungotambisa mari.

Hurukuro naVaJacob Mafume naVaGilbert Mponda
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG