Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vasvitsa mazuva zana nemakumi matatu nemanomwe vari muhofi kubva zvavatora mhiko gore rapera, vari kuvimbisa kuti gore ra2019 zvinhu zvichatanga kusanduka munyaya dzezvehupfumi.
VaMnangagwa vari kushanyira kunyika shanu dzekumabudazuva kweEurope kuyedza kutanga hurongwa hwekuvandudza hupfumi.
Asi vamwe munyika vanoti mutungamiri wenyika akandukana zvachose kuvandudza hupfumi kana zvematongerwo enyika.
Vanoti mitengo yezvinhu iri kuwedzerwa chero nguva, zvimwe zvinhu zvichishaika zvakaita semafuta ekufambisa dzimotokari.
Mari dzemihoro dzevashandi dziri kushaya simba zvapa kuti vashandi vehurumende varamwe mabasa.
Vakuru vemasangano emabhizmisi akaita seConfederation of Zimbabwe Industries vari kuyambira kuti hurumende ikaramba ichiti dhora rekuAmerica rakaenzana neRTGS nemabond notes makambani akawanda achavhara.
Muzvinabhizimisi vari nhengo yeZanu-PF, VaGilbert Muponda, vanoti VaMnangagwa vanoda nguva chete kuti vagadzirise zviri kunetsa munyika.
Asi mutauriri weMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaJacob Mafume, vanoti VaMnangagwa vari kungotambisa mari.
Facebook Forum