Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Vokurudzirwa Kuti Vachenjerere Kubatwa neChirwere cheCovid-19 Mushure meZororo neEaster


Bazi rezvehutano rinoti hakuna kana munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 nemusi weSvondo zvasiya huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira gore rapera hwuchiri pachiuru chimwe chete nemazana mashanu ane makumi maviri nevashanu kana kuti 1, 525.

Vanhu gumi nevaviri vakabatwa nechirwere ichi zvasiyawo vanhu vabatwa nacho vave zviuru makumi matatu nematanhatu nemazana mapfumbamwe nemakumi maviri nevatatu kana kuti 36, 923.

Vanhu gumi nevatanhatu vakapora kubva kuchirwere ichi zvasiya vanhu vapora vave zviuru makumu matatu nezvina nemazana manomwe nemakumi mana nevasere kana kuti 34, 748. Vanhu vachiri kurwara vave mazana matanhatu ane makumi mashanu kana kuti 650.

Huwandu hwevanhu vari kubayiwa nhomba yeCovid-19 huri kuramba huchiwedzera uye vange vabayiwa nhomba yekutanga kusvika neSvondo chiuru zana negumi nemanomwe nemazana maviri nemakumi mapfumbamwe nevanomwe kana kuti 117, 297.

Vabayiwa nhomba mbiri sezviri kukurudzirwa navanachiremba zviuru makumi maviri nechimwe zvine mazana matanhatu nevatatu kana kutI 21 603.

Zvichakadaro, nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kuyambira kuti huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hunogona kuwedzera mushure mezororo reEaster sezvo vanhu vange vachifamba famba nekusangana.

Munyika dzakaita seAmerica, Italy neFrance huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi hwatanga kuwedzera zvekare pachichirwa kuti zvichatowedzerwa nezororo iri.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr Simbiso Ranga vari muNorth Carolina muAmerica vanoti mazororo anoungana vanhu anounza matambudziko ekupararira kwechirwere cheCovid-19.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG