Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzinoti Vanobika Chingwa Havakwanise Kumisa Kukwira kweMutengo Wacho


Sifelani Jabangwe, mukuru wesangano re CZI
Sifelani Jabangwe, mukuru wesangano re CZI

Nyanzvi dzezvehupfumi dzinoti vemabhizinesi anobika chingwa havana zvavangaite pakukwira kwemutengo yechingwa sezvo vachinetseka kuwana mari yekunze yekutenga zvinodiwa kuti vabike chingwa chacho.

Izvi zvinotevera kukwira kwemitengo yechingwa kutanga kwesvondo rino.

Sangano reBakers Association of Zimbabwe rakazivisa kuti gorosi riri munyika ishoma uye rinobva kunze kwenyika riri kudhura zvakanyanya.

Mukuru weGrain Marketing Board, VaRocky Mutenha, vati havabvumidzwi nehurumende kutaura nezvekuwanikwa kwegorosi munyika.

Asi vati tibate munyori webazi rezvekurima uyo tisina kukwanisa kubata.

Mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Industries, VaSifelani Jabangwe, vanoti makambani anomanikidzwa kutengesa chingwa nemari dziri pamusoro nekuti mitengo yezvavanoshandisa kugadzira chingwa uri pamusoro.

Zvizhinji zvavanoshandisa kusanganisira rimwe gorosi ravanosanganisa neremunyika, zvinobva kunze kwenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Sangano rinomiririra madzimai munyaya dzezvehupfumi, reEconomic Justice for Women Project, rinotiwo kukwira kwemitengo yechingwa munyika kuri kushayisa hope nhengo dzaro sezvo madzimai ari iwo vanotarisana nemhuri mudzimba mazuva ese.

Mukuru wesangano iri, Muzvare Magret Masamvi, vanoti panoda kuti paitwe nhaurirano dzakajeka dzekuti vanhu vagadzirisane kuitira kuti nyika igone kufambira mberi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG