Accessibility links

Breaking News

Musika weMupedzanhamo Wotengwa neKambani yekuChina?


Zimbabwe
Zimbabwe

Musika weMupadzenhmo wekuMbare unonzi wakatengwa nekambani yekuChina izvo zvinonzi zvava kupa kuti vanhu vanotengesa pamusika uyu vabviswe.

Vanhu vakawanda vanotengesera paMupedzanhamo vanoti vakapihwa zviziviso neMugovera zvekuti vabve pamusika uyu kuitira kuti kambani yakautenga ichitanga kuvaka panzvimbo iyi.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rekanzuru yeHarare sezvo nharembozha yemutauriri weguta, VaMichael Chideme, yanga isingadairwi.

Asi sangano rinomiririra vanotengesa zvinhu mumigwagwa, re National Vendors Union, rinoti richarwisana nehurumende nekanzuru richiedza kumisa kutengeswa kwemusika uyu.

Mukuru wesangano re National Vendors Union, VaStan Zvorwadza, vanoti hazvigoni kuti vekanzuru vangotengesa musika wakakura kudaro pasina kuzivisawo vanotengesa nevemasangano anovamiririra kuti vataurewo pfungwa dzavo padanho iri.

Vavimbisa kuti vachatsvakurudza zvizere mamiriro akaita nyaya iyi voita zvavanogona kumisa kutengeswa uku kana vabata chokwadi chemamiriro akaita zvinhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi kanzura weMbare Ward 4, inobatanidza musika weMupedzanhamo, VaMartin Matinyanya vebato reZanu PF, vati mashoko ari kutaurwa nevanhu aya manyepo.

Vati ivo sekanzuru yeHarare havana kuita chisungo chekutengesa musika uyu sezviri kutaurwa.

Vakurudzira vanotengesa kuti vasateerere zviri kushambadzwa mumusika nezvinobuda mumadandemutande asi vaenderere mberi nebasa ravo remazuva ese.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG