Accessibility links

Breaking News

MDC neZanu-PF Zvotatsurana neNyaya yeKuratidzira


Vatsigiri veMDC
Vatsigiri veMDC

Munyika hamusisina kugadzikana kubva bato reMDC zvarazivisa kuti riri kuda kuratidzira murunyararo nemusi weChishanu uku bato reZanu-PF richitsika madziro richiti kuratidzira hakufanire kuenderera mberi.

Chiri kushungurudza vanorwira kodzero dzevanhu uye dzimwe nyika dzekunze dzakaita seAmerica zvakanyanya kupambwa kwevanopikisa nevanofungidzirwa kuti vasori vachitsakatitswa nekurohwa zvakaipisisa.

Vanhu vatanhatu vanopikisa hurumende vakapambwa nekurohwa zvakaipisisa.

Murwiri wekodzero dzevanhu uye vari nhengo yeCrisis In Zimbabwe Coalition, VaPride Mukono, pamwe nemutevedzeri wasachigaro wevechidiki muMDC, Muzvare Cecilia Chimbiri, vasungwa nemapurisa vachipomerwa mhosva yekukurudzira kuratidzira uku.

Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti VaMukono vapomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende kuburikidza nemashoko akakaisa paTwitter.

Mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaBrian Nichols, vashanyira mumwe akarohwa zvakaipisisa, VaTatenda Mombeyarara.

Asi mumashoko avo kuvatori venhau, gurukota rezvemukati menyika, VaCain Mathema, vakati MDC iri kuda kushandisa kuratidzira uku kupidigura hurumende.

Asi MDC Inoti izvi ndezvemugotsi matsuro ichiti kuvhunduka chati kwatara hunge uine katurike.

Nhengo yeZanu-PF uye varigweta rinombomirira mutungamiri wenyika, VaTinomudaishe Chinyoka, vanoti kuratidzira uku hakuna musoro.

Asi gweta, uye vari munyori wezvesarudzo muMDC, VaJacob Mafume, vanoti ikodzero yavo kuratidzira sezviri mumbiro remitemo yenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG