Accessibility links

Breaking News

Makombi neZvitoro Vokwidza Mitengo kuBulawayo


Apo zvinhu zviri kuramba zvichiita manyama amire nerongo munyaya dzezvehupfumi munyika, vamwe vagari vemuBulawayo vanoti vanotengesa mari pamusika mutema ndivo vari kukuchidzira kuti zvinhu zviipisise.

Sekune dzimwe nzvimbo dzakasiyana siyana munyika zvitoro zvakawanda muguta reBulawayo zvakwidza mitengo yezvinhu zvinowanzoshandiswa nevanhu zuva nezuva kunyanya mafuta ekubikisa pamwe nemukaka.

Nekune rimwewo divi zvimwe zvitoro zvinotengesa zvinhu zvakasiyana siyana kusanganisira chikafu, pamwe nezvimwe zvakadai semishonga nechikafu chezvipfuyo zvange zvakavharwa nechikonzero chinofungidzirwa nevakawanda kuti inyaya yekuda kukwidza mitengo.

Vemakombi anoenda kumisha inogara veruzhinji vakwidzawo mari yekufambisa Vamwe vanhu vataura neStudio7 vange vachitsutsumwa zvikuru nekukwira kuri kuramba kuchiita mitengo yezvinhu.

Mumwe wevanhu ava ndemumwe mudzimai angozvidoma nezita rekuti Amai Ndlovu avo vati vanoshora vanotenga nekutengesa mari pamusika mutema vachivati ndivo vari kukuchidzira kukwira kwemitengo yezvinhu.

Izvi zvatsigirwawo nemumwe murume angozvidoma nezita rekuti George uyo ati anoshamisika kuti sei hurumende isiri kuda kugadzirisa nyaya yekutengeswa kwemari pamusika mutema.

VaReginald Shoko ndivo mukuru mukuru weAffirmative Action Group mudunhu reMateleland uye muongorori wezvehupfumi akazvimirira ega.

VaShoko vati kunyange hazvo vanotengesa mari mumigwagwa vachibatsira kuwedzera kusamira zvakanaka kwehupfumi, dambudziko guru inyaya yekuti vanhu vakawanda havana chivimbo nehupfumi hwemunyika.

VaShoko vatiwo rimwe dambudziko inyaya yekuti vanhu vakawanda munyika vari kuita humbimbindoga kana kuti mazvake mazvake izvo vati zvinoita kuti matambudziko akatarisana nenyika anetse kugadzirisa.

Vamwe vanhu kusanganisira vatsigiri vebato reZanu PF, vanoti vemabhizimisi vari kukwidza mitengo zvenhando senzira yekuda kushoresa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nehurumende yavo.

Asi mutauriri webato reZapu VaIphithule Maphosa vaudza Studio7 chinhu chikuru chiri kukonzera kuti zvinhu zvisamira zvakanaka munyika kusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika.

Dzimwe nyanzvi dzinoti kushaikwa kwemari yekunze ndiko kuri kunyanya kuwedzera matambudziko ari munyika.

Mitengo yezvinhu zvakasiyana siyana iri kukwira kubvira svondo rapera apo mukuru webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, vakatura mamiriro ezvinyu munyaya dzekushandiswa kwemari munyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG