Accessibility links

Breaking News

Maindasitiri Oyambira Kukwira kweMitengo neNyaya yeKushomeka kweMagetsi neMafuta eKufambisa Motokari


VaMthuli Ncube

Mukuru wesangano reZimbabwe National Chamber of Commerce VaChris Mugaga, vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka mumaindasitiri nenyaya yekushomekwa kwemagetsi uye mafuta ekufambisa dzimotokari.

VaMugaga vanoti nenyaya yekuti vemabhizimisi havana zvavari kuita nekushaya magetsi nemafuta ekufambisa dzimotokari.

Vati zviri kutaurwa naVaNcube zvekuti mitengo yezvinhu ichaderera zvichanetsa kuzadzikisa sezvo vemabhizimisi vachamanikidzwa kutenga zvinhu zvakawanda kunze kuti vatengese munyika. Izvi vanoti zvichapa kuti mutengo wedhora rekuAmerica utange zvekare kukwira.

Magetsi ari kudzimwa kwenguva yakareba ukuwo vatyairi vedzimotokari vari kupedza nguva yakawanda vachitsvaga mafuta asiri kuwanikwa nyore.

Zimbabwe iri kutatarika kubhadhra chikwereti chemagetsi kuEskom yekuSouth Africa neCahora Bassa yekuMozambique. Izvi zvakapa kuti nyika mbiri idzi dzirambe kupa Zimbabwe mari yezvikwereti.

Zimbabwe hainawo mari yekuAmerica inodiwa mukutenga mafuta ekufambisa dzimotokari.

Hurukuro naVaChris Mugaga
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG