Accessibility links

Breaking News

VeMabhizimisi nevezveMatongerwo eNyika Votarisira Kuti 2010 Anouya neZvitsva


Kuuya kwehurumende yemubatanidzwa kwainge kwopa vakawanda tarisiro yekuti nyika yaizotora gwara itsva. Asi vamwe vanoti nyika ichiri kumawere.

Gore ra2009 igore rinonzi nevakawanda rakanga rakaoma zvikuru, kunyange hazvo munyaya dzezvematongerwo enyika zvinhu zvakarakidza shanduko zvichitevera kuumbwa kwehurumende yemubatanidzwa.

Mapato ari muhurumende anonzi haasi kuonekwa achikakatira pamwe chete, sezvo vachiri kuita mazvake-mazvake panenge pachitarisirwa kuita muonera pamwe. Vezvemabhizimisi vanotiwo iyo hurumende yemubatanidzwa iyi haina kukwanisawo kushandura zvinhu nekutambanudza dariro rezveupfumi, sezvo iri kutadza kukwezva vemabhizimusi ekunze kuti vapinde munyika kuzovhura makambani.

Munyaya dzemutemo, vamwewo vanoti hapana chakanyanya kushanduka sezvo vanhu vari kungosungwa zvisina shumo, uye mapurazi ari kungoramba achitorwa. Mitongo iri kubva mumatare edzimhosva inonzi haisi kutevedzwa nemapurisa, ayo anoonekwa seari kuzvidza matare.

Zvino kana zvinhu zvisiri kuratidza shanduko, ko chii chingatarisirwa mugore ra2010?

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari Programmes Manager weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti kuzvigona chete mugore 2010, vatungamiri vari muhurumende yemubataindzwa vanofanirwa kugara vose pasi votevera zvavakabvumirana pakanyoreranwa chibvumirano chekuumba hurumende.

Executive Director weEMCOZ, VaJohn Mufukare vanotiwo hurumende ngairege kutyisidzira vemabhizmusi vekunze nekuramba ichi mbunyikidza varimi vachena nemamwe mabhizimisi munyika.

XS
SM
MD
LG