Accessibility links

Breaking News

VeMabhizimisi Vokurudzira Hurumende Kuti Iumbe Homwe yeKuvabatsira Munguva yeCovid-19


Doctor Sekesai Nzenza
Doctor Sekesai Nzenza

Vamwe vakuru vemabhizimisi vari kukurudzira hurumende kuti ivabatsire nemari sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka nekuda kwechirwere cheCovid-19 chiri kupa kuti vasashande nemazvo.

Gore rapera mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa negurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vakati hurumende yainge yaisa parutivi mari inosvika mabhiriyoni gumi nemasere kana kuti 18 billion yemunyika kubatsira vemaIndustry. Asi vakawanda vemaindustry vanoti havana kana kobiri ravakaona.

Mutungamiri wesangano revashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe Industries Doctor Israel Murefu vati pari kudiwa mari sezvo zvigadzirwa zvaderera uye kuti vashandi vasarasikirwe nemabasa.

Sachigaro weAfrica CEO Roundtable VaOswell Binha vatsinhirawo mashoko aya vachiti mari ine mutero uri pasi inodiwa kuti mabhizimisi akwanise kusimudzira hupfumi hwenyika.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paDurban University of Technology Muzvinafundo Gift Mugano vanoti vemabhizimis vemunyika havazokwanise kukwikwidza nevekunze kana vasina rubatsiro kubva kuhurumende. vati nyika dzakawanda pasi rino dziri kubatsira vemabhizimisi vadzo munguva ino yekurwisa denda reCovid-19.

Asi gurukota rezvemaIndustry Doctor Sekai Nzenza vati ongororo yavakaita neConfederation of Zimbabwe Industries yakaratidza kuti maindustry akatosimukira munguva yeCovid-19 vachiti izvi zvakabatsirwawo nemimwe mitemo yehurumende.

Kunyange hazvo gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vakati vari kutarisira kuti hupfumi hwenyika hukure nezvikamu zvinodarika zvinomwe kubva muzana kana kuti 7,4%, sangano reZimbabwe National Chamber of Commerce razivisa kuti hupfumi huchatodududza kumashure huchienda pazvikamu zviri pasi pegumi kana kuti -10% mugore rino.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG