Accessibility links

Breaking News

VeMabhizimisi Vanoti RBZ Ngaivape Mari yeKunze Yakati Wandei Kana Vatengesa Zvinhu


Doctor John Mangudya
Doctor John Mangudya

Vamwe vemabhizimisi anotengesa zvinhu kunze kwenyika vari kuchema chema kuti mimwe mitemo yebhanga renyika reReserve Bank of Zimbabwe inofanira kuvandudzwa.

Izvi zvabuda pamusangano waitwa nhasi muBulawayo pakati pevamwe vemabhizimisi ava negurukota rezvekunze kwenyika nekutengeserana Doctor Sibusiso Moyo.

Vemabhizimisi ava vati vanoda kuti bhanga reRBZ rivandudze mutemo wekuti vanenge vatengesa zvinhu kunze kwenyika vanowana zvikamu makumi masere kubva muzana zvemari yekunze inenge yawanikwa kubva mukutengeswa kwezvinhu izvi.

Mumwe wevanamuzvinabhizimisi vane maonero aya ndiamai Christabel Nyakonda vanove mukuru wezvekutengeswa kwezvigadzirwa muimwe kambani inogadzira zvinhu zvesimbi inonzi Skandia Steel.

Amai Nyakonda vati kuchinjwa kwemutemo uyu kunogona kubatsira kusimudzira mabhizimisi avo.

Bhanga reRBZ rine mutemowo wekuti vemabhizimisi vanenge vane mari yekunze iri mumabhanga inotengeswa pamusika weinterbank market kana ichinge isina kushandiswa mukati memazuva makumi matatu.

Mumwewo muzvinabhizimisi VaMartin Mabvira vekambani yeMakeh Engineering Pvt Ltd vaudza Studio 7 kuti maonero avo ndeekuti dai mutemo uyu wavandudzwawo.

VaSibusiso Moyo avo vange vari munyarikani pamusangano uyu vabvuma kuti zvinhu munyika hazvina kumira zvakanaka.

Vakurudzira vemabhizimisi pamwe nevamwe veruzhinji kuti vanzwisise kuti mari yekunze iri kunetsa kuwana saka inowanikwa yacho inofanirwa kushandiswa nehungwaru kuti ibatsire kumutsurudza hupfumi hwenyika.

VaBrian Wilson vanove mukuru mukuru wekambani inogadzira shangu ynezvimwe zvinogadzirwa nematehwe yePrestige Leather vati vemakambani akaita seavo vanonetseka nekuti michina yavari kushandisa yachembera uye vanoshuvira kuti hurumende ivabatsire pakuti vawane mitsva.

Mukuru anoona nezvemabasa ekutengeswa kwezvinhu kunze kwenyika muRBZ VaTayengwa Chitauro vaudza musangano uyu kuti bhanga ravo rakazvipira kubatsira vose vanotengesa zvinhu kunze kwenyika vanenge vachida mari yekunze yekuvandudza mabhizimisi avo.

Kunze kwekuchema chema nekusawanikwa kwemari yekunze VaClarence Mutangara avo vanoshanda nekambani inotengesa zvirimwa inonzi Hamara vati vanosangana nedambudziko rekuti dzimwe nyika dzeku chamhembe kweAfrica dzinorambidza kupinzwa kwezvimwe zvirimwa munyika idzi.

VaMoyo vati hurumende iri kuita zvose zvainogona kuti zviite nyore kune vamabhizimisi nevemaindasitiri kuti vakwanise kutengesa zvinhu kunze kwenyika sesvo izvi zviri izvo zvinoita kuti nyika iwane mari yekunze.

Mukuru weZimtrade VaAllan Majuru vati musangano uyu wange uine chinangwana chekuti vemabhzimisi vawane mukana wekusangana naVaMoyo kuti vazeye zvimwe zvezvimhingamupinyi zvavari kusangana nazvo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG