Accessibility links

Breaking News

Mabhizimisi Anoti Mitemo yeMari yeKunze Yave Kudzikisira Mabasa Avo


Gavhuna weRBZ VaJohn Panonetsa Mangudya

Vamwe vemabhizimisi vari kuchema chema kuti mari yemadhora ekunze inosvika zvikamu makumi mana kubva muzana kana kuti 40% inotorwa neReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, vopihwa mari yemunyika pane zvavanenge vatengesa kunze iri kukanganisa zvikuru maitiro ebasa nekuti kana vodawo kutenga mari yekunze pamusika weForeign Exhange Auction zvinenge zvonetsa.

Muna Ndira, RBZ yakawedzera mari inobatirwa makambani anotengesa zvinhu kunze achipihwa mari yemunyika nemutengo wedhora uri pamutemo kubva pazvikamu makumi matatu kubva muzana kusvika pazvikamu makumi mana.

Gavhuna weRBZ, Doctor John Mangudya, mumashoko kuvatri venhau pakavandudzwa mutemo uyu vakati Monetary Policy Committee yebhanga ravo yainge yasangana ikabuda nechisungo chekuwedzera mari inofanira kuendeswa kubhanga ravo senzira yekudzikamisa musika wemari weRBZ Foreign Exchange Market

Sachigaro weAfrica CEO Roundtable, VaOswell Binha, vanoti mari iri kubatwa iyi yave kukanganisa mabhizimisi zvakanyanya.

Mashoko aya atsinhirwa nemutungamiri wesangano revashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe, Doctor Israel Murefu, vati vemabhizimisi vari kuchema chema nemari dzavari kubatirwa.

Vati zvakakosha kuti hurumende igare pasi itaure nevemakambani ava vowirirana mari inokodzerwa kutengeswa kuRBZ nemutengo uri pasi.

Vaimbova mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Industries, VaCallisto Jokonya, vati mari iri kubatwa iyi yaunza kugadzikana munyaya dzezvehupfumi vakati zvinhu zvangokanganiswa nechirwere cheCovid-19 chopa kuti vemabhizimisi vaite mari shoma sezvo vasiri kutengesa zvinhu zvakawanda.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG