Accessibility links

Breaking News

Mabhizimisi Akagarwa Matunduru neCovid19 Anoti Dambudziko reMagetsi Rauya Panguva Yakaipa


Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira kuti Zimbabwe haisi kuzokwanisa kuti hupfumi hwayo hukure nezvikamu zvinodarika zvinomwe kubva muzana nekuda kwekushaikwa kwemagetsi.

Zesa yakazivisa kuti inenge yodzima magetsi kwemaawa gumi nemaviri pazuva sezvo magwenya ayo asiri kushanda zvakanaka.

Kambani iyi inoti iri kuwana magetsi mashoma kubva kugwenya rinoshandisa marasha reHwange uye iri kugadzirisawo magwenya anoshandisa mvura kuKariba.

ZETDC inotiwo magetsi airi kutenga kubva kuMozambique neSouth Africa mashoma pane ari kudiwa.

Mushure mekutatarika kwemakore maviri nekuda kwekusanaya zvakanaka kwemvura uye chirwere cheCovid-19, gurukota rezvemari Muzvinafundo Nthuli Ncube vakati vanenge vachitarisira kuti hupfumi hwenyika huchakwira zvakanyanya gore rino.

Bhanga guru rinokweretesa mari pasi rose reInternational Monetary Fund rinoti kana zvihu zvose zvakaringana, hupfumi hweZimbabwe huchakwira nezvikamu zvitanhatu kubva muzana.

Asi vaimbova gurukota rezvehupfumi vari mutevedzeri wemutungamiri webato reMDC Alliance, VaTendai Biti, vanoti nyaya yemagetsi igangaidzwa kumukwenyi mhezi yavavira mudumbu vati hurumende yakundikana kugadzirisa dambudziko remagetsi kwemakore anodarika makumi mana.

Mukuru weZimbabwe National Chamber of Commerce, VaChris Mugaga, vatendawokuti magetsi anokwanisa kugwadamisa hupfumi hwenyika. Vati vemabhizimisi vachanyanya kuomerwa sezvo vachiri kuyedza kubuda mumadhaka mavari zvakonzerwa nechirwere cheCovid-.19.

Vachipawo pfungwa dzavo, pakugadzirisa dambudziko, vaimbova gurukota rezvemhando dzemoto, VaFortune Chasi, vati hurumende inofaira kubuda negwara rakajeka kusanganisirawo kukurudzira vanhu kushandisa simba rezuva uye kugadzira mamwe magwenya.

ZETDC inotiwo nzvimbo dzakakosha dzakaita sezvipatara, kunocheneswa mvura yekunwa uye kunzvimbo dzinoona nezvekuchengetedzwa kwenyika ndidzo dzichawana magetsi. Hatina kukwanis akubata gurukota rezvemhando dzemoto, VaSoda Zhemu, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG