Accessibility links

Breaking News

Vemabhizimisi neVanozviitira Mabasa eMaoko Votambira Kunyevenutswa kweMitemo Pakurwisa Covid-19


vanhu vari pabhodha reMusina, South Africa

Vamwe vemabhizimisi vanoti vari kutambira nemufaro danho rehurumende rekumbonyevenutsa mimwe mitemo yekuti vanhu vagare mudzimba munguya ino yekuvharwa kwenyika, lockdown, senzira yekumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, neMuvhuro vakawedzera chirongwa chelockdown nemamwe mavhiki maviri kunyange vakarerutsa zvimwe zvinhu kuitira kuti vakawanda vari mumabhizimisi nevanozviitira mabasa emaoko vakwanise kutanga kushanda.

Kunyange hazvo huwandu hwevari kufa nekubatwa nechirwere ichi huri kuti dererei, VaMnangagwa vakati basa richiripo kuona kuti nyika yasvika padanho riri nani zvikuru munyaya dzevanenge vachirwara neCovid-19.

Vakatiwo vanhu vanenge vobvumidzwa kufamba kubva na8 mangwanani kusvika na 5:30 manheru.

Muhurumende vanobvumidzwa kuenda kubasa zvikamu makumi maviri nezvishanu kubva muzana kubva pazvikamu gumi kubva muzana.

Asi vanhu parufu vanofanira kunge vari makumi matatu chete sekare.

VaMnangagwa vakati vanozviitira mabasa emaoko vanokwanisa kuvhura vakatevedzera kurudziro dziri kuitwa neWHO dzinosanganisira kugeza maoko, kuvhenekwa hutachiona uye kushanda vari kure nakure.

Munyori mukuru musangano reZimbabwe Chamber of Informal Economy Associations, VaWisborn Malaya, vanoti vari kutambira zvakataurwa naVaMnangagwa vachitiwo nhengo dzavo dzange dzaomerwa nehupenyu sezvo dzange dzisiri kushanda kubva gore rapera.

Vatiwo vave kuita gadziro yekutanga mabasa avo vachishanda nemakanzuru akasiyana siyana.

Mutungamiri wesangano reEmployers Confederation of Zimbabwe, Doctor Israel Murefu, vanoti vari kufara kuti mabhizimisi akawanda ave kuvhurwa sezvo zvichibatsira kusimudzira hupfumi uye kuti vanhu vawane raramo.

Munyori mukuru musangano revashandi revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions VaJaphet Moyo .

Nyanzvi munyaya dzezvepfumi vachidzidzisa paDurban University of Technology, Muzvinafundo Gift Mugano, vanotiwo zviri pachena kuti nyika yave kubvumidza hayo vanhu kushanda kunyange hazvo pachine zvirehwa rehwa zvishoma zvasara zvinofanirwa kugadziriswa.

Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vainge vati vanotarisira kuti hupfumi huwedzere nezvikamu zvinodarika zvinomwe kubva muzana kana kuti 7,5% asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzagara dzayambira kuti nekuda kweCovid-19 nezvimwe, izvi hazvikwanisike.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG