Accessibility links

Breaking News

Bishop Magaya Vanoti Munhu Wese Anofanira Kukoshesa Nhaurirano.


Bishop Ancelimo Magaya

Vemakereke vanoti nyaya yenhaurirano maererano nezvematongerwo enyika haisi yevemapato ezvematongerwo enyika chete, asi kuti ndeye munhu wese ane chekuita neZimbabwe.

Izvi zvinotevera mashoko ekuti vatungamiriri vemapato makuru ezvematongerwo enyika vanoti Va Nelson Chamisa (MDC) naVa Emmerson Mnangagwa (Zanu PF) vakataura nezvekukosha kwenhaurirano idzi.

Kunyange hazvo mutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba, vazivisa kuti VaMnangagwa havana kutaura mashoko ekuti vari kuda kutanga nhaurirano idzi, mutungamiri weZimbabwe Divine Destiny, Bishop Ancelmo Magaya, vaudza Studio7 kuti pasvika nyika pave kuda kuti vanhu vagone kutaurirana kuti nyika ibude mumatope mairi.

Masangano akasiyana siyana anosanganisira anorwira kodzero pamwe neveruzhinji vari kuti dai paitwa nhaurirano idzi kuitira kuti zviri kunetsa munyika zvigadziriswe.

Sangano reZimbabwe Council of Churches rakambotanga kuedza kuti nhaurirano idzi dzitange asi hazvina kubudirira zvichitevera danho raVaMnangagwa rekuti VaChamisa vatange vagamuchira kuti VaMnangagwa ndivo mutungamiri wenyika akasarudzwa nevanhu, asi VaChamisa vari kuramba vakamira neravo rekuti ndivo vakakunda musarudzo.

Bishop Magaya vanoti basa ravo guru sevemakereke nderekuratidza vanhu gwara raMwari nekubatsira veruzhinji kuti vayanane sezvo hondo dzichipedzwa nekutaurirana.

VaMagaya vanoti chero hondo yeChimurenga yakapedzwa nekugara pasi vanhu vachitaurirana kuti nyika igadzikane.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG