Accessibility links

Breaking News

VeChidiki Vopesana Pakurangarira VaRobert Mugabe


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Vechidiki vari mumapato akasiyana ezvematongerwo enyika vane maonero akasiyana pamusoro pezuva revechidiki ranga richicherechedzwa munyika nhasi senzira yekurangarirwa kwemusi wakazvarwa vaimbova mutungamiri wenyika, mushakabvu VaRobert Mugabe.

Vamwe vechidiki vari mubato riri kutonga reZanu PF vanoti zuva ranhasi izuva rekuti patariswe nyaya dzinobata vechidiki.

Munyori anoona nezvekuburitswa kwemashoko muboka revechidiki muZanu PF, Muzvare Yeukai Simbanegavi vanoti vechidiki vanofanira kushanda zvakasimba kusimudzira hupfumi hwenyika uye vanofanira kuwanikwa vari mune zvose zvinoita kuti ramangwana ravo ringe rakanaka.

Asi mutauriri weboka revechidiki muMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaStephen Chuma, vati sevechidiki vebato rinopikisa havana chekupemberera sezvo vachiti zvinhu hazvina kumirira vechidiki pamwe neveruzhinji zvakanaka munyika.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muchikwata cheTyson Wabantu Movement icho chinonzi chiri kutsigira vaimbove gurukota rezvematunhu VaSaviour Kasukuwere kuti vave mutungamiri wenyika, VaNtokozo Msipha, vaudza Studio 7 vari kuSouth Africa kuti zuva ranhasi rinovarangaridza hushingi hwaive naVaMugabe.

Vanoti muchakabvu aive nechido chekuti ruzhinji rweZimbabwe rwuwane pundutso kubva muhupfumi hwenyika nekuzvitonga kuzere.

VaMsipha vatiwo havasi kufara nemamiriro akaita zvinhu vachiti nyika yave mumaoko evanhu vanoda kuguta kwavo chete veruzhinji vachinonga svosve nemuromo.

Hatina kukwanisa kutaura negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, kuti tinzwe pamire hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa panyaya iyi.

Vamwe vechidiki vakaita saVaFarai Muronda vanogara mumusha weWarren Park muno muHarare vati hurumende inofanira kugadzirisa nyaya dzekuti vechidiki vawane mabasa kuitira kuti vechidiki vawane chouviri.

Mumwe wechidiki, VaIshmael Mandivengerei vatiwo vechidiki vavakufanira kupindawo muzvigaro zvekutungamira nyika kuitira kuti zvido zvevechidiki zvizadziswe.

Zvichakadai, mhuri yaVaMugabe yanga yakaungana kumba kwavo inozivikanwa nekuti Blue Roof kuBorrowdale, Harare nhasi ichipemberera hupenyu hwakararamwa nemushakabvu.

Asi vamwe vatori venhau varambidzwa kupinda kunyange hazvo taona vehukama pamwe nevana vekuchikoro cheAmai Mugabe Junior chekuMazowe vachipinda paBlue Roof.

Mibvunzo yatumirwa mwana waVaMugabe, Amai Bona Chikore, yanga isati yapindurwa pataenda pamhepo.

VaMugabe pavaive vapenyu vaiwanzopemberera zuva rekuzvarwa kwavo nekuita mabiko munzvimbo dzakasiyana-siyana pachishandiswa mari yakawanda asi nhasi vemuhurumende neveruzhinji vari kudzimba dzavo.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG