Accessibility links

Breaking News

VeChidiki Vomiswa paMberi peDare muBulawayo Mushure Mekufarisa Zvakapfurikidza

Vamwe vechidiki vamiswa pamberi pedare ramajisitireti muBulawayo nhasi mushure mekunge vasungwa pakupera kwesvondo munzvimbo dzakasiyana-siyana dzeguta vachiita zvemafaro zvakapfurikidza mwero.

Vechidiki ava vapinzwa mudare vari muzvikwata zvakasiyana siyana uye pasvika Studio 7 paTredgold Magistrates Court taona vamwe vane chitsamwa vakaungana pamahofisi evachuchisi apo vange vachiongororwa kuti vabva zera here kana kuti kwete.

Pasi pemutemo wemunyika munhu ari pasi pemakore gumi nemasere anenge achinzi apara mhosva anonzi aiswe mumaoko evabereki vake kana vamwe vanhu vanomuchengeta.

Vakafanobata chinzvimbo chemutauriri wemapurisa muBulawayo Inspector Abednico Ncube vakaudza rimwe bepanhau rehurumende reChronicle kuti mapurisa akasunga vechidiki vasvika zana nemakumi matatu nemumwe vane makore ari pakati pegumi nemana nemakumi maviri nemana nemusi weMugovera.

Inspector Ncube vakatiwo vechidiki ava vakawanikwa vaine zvimwiwa zvinodhaka zvakasiyana siyana pamwe nemapiritsi.

Vamwe vevechidiki ava vatanhatu vamiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekutyora chimwe chikamu chemutemo weCriminal Law Codification and Reform Act vachinzi vakawanikwa vachitamba zvine ruzha vakavhurwa radio yavo yavairidza zviri pamusorosoro vari muCentenary Park.

Vatanhatu ava, avo vange vasina gweta rinovamiririra, vanosanganisira Tatenda Mpofu uyo ane makore gumi nemasere uye ari mwana wechikoro.

Vatanhatu ava vabvuma mhosva yavo mutongi wedare VaFranklin Mkwananzi akaregedza vachienda kumba mushure mekuvapa yambiro yekuti vasazowanikwazve vachiita mhosva yakadaro.

Vamwe vatatu avo vabve zera vamiswawo pamberi pedare rimwe chete uye vanzi vachapiwa mutongo wekuita community service.

Vechidiki muBulawayo kusanganisira vakawanda vanoenda kuchikoro vanosangana vachifara zvakapfurikidza mwero vachiita zvisina hunhu panovharwa zvikoro uye kana kwasara mazuva mashoma kuti zvikoro zvivhurwe.

Reverend Useni Sibanda ndivo mukuru wesangano reZimbabwe Christian Alliance. Sangano iri rinomboita zvirongwa zvekudzidzisa vechidiki tsika dzakanaka nekuipa kwakaita kutora zvinodhaka kana kuita zvepabonde vanhu vasati vabve zera. Reverend Useni Sibanda vanoti vanhu vanofanirwa kubatana kuti vaedze kupedza tsika iyi.

Mapurisa anoti achaita zvose zvaanogona kuedza kumisa tsika yevamwe vechidiki ava yekufara vachipfurikidza mwero.

Zvichkadaro, zvikoro zviri kutarisirwa kuvhurwa mangwana uye vana vebhodingi vakawanda vatoenda nhasi, asi vabereki vari kuchema chema nekudhura kwehanzu dzechikoro nemari yechikoro yacho.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG