Vechidiki vari kumusangano wezvekurukura mamiriro ekunze, weCopenhagen Climate Conference, vanoti vane chishuwo chekuti mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vachatsvaga nzira dzekugadzirisa zviri kunetsa munyaya dzemamiriro ekunze munyika.
VaMugabe nevamwe vavo muhurumende, vari kutarisirwa kuenda kumusangano uyu svondo rinouya, uko vachanosangana nevamwe vatungamiri venyika dzakasiyana siyana.
Vanhu vanodarika zviuru gumi nezvishanu, vachibva kunyika zana nemakumi mapfumbamwe, vari mu Copenhagen kumusangano wezvemamiriro ekunze.
Musangano uyu wakatanga musi wa 6 Zvita uye uchapera musi wa 18 Zvita.
Vechidiki vatatu vanobva kuZimbabwe vari kuita zvidzidzo zvakanangana nemamiriro ekunze, varipowo pamusangano uyu. Vadzidzi ava vanosanganisira George Bapete, uyo ari kuita zvidzo ku Witwatersrand University ku South Africa, nemumwe wake, Anesu Makina, uyo ari ku East Anglia University ku Britain.
Makina anoti vatungamiri vehurumende muZimbabwe vanofanirwa kutora nemoyo wese zvose zviri kuitika kumusangano uyu kuitira kuti vatsvage dziva dzekudzivirira kuti nyika isavhiringwe nekushanduka kuri kuita mamiriro ekunze, uko kuri kukonzerwa nezvinhu zvakawanda, zvikuru munyaya dzebudiriro muzvidzidzo zvehunyanzvi.