Accessibility links

Breaking News

Vechidiki VeZanu PF Votsigira Vanofumura Huwori Munyika.


Zanu PF Youth

Boka revechidiki vebato reZanu PF rinoti rinotsigira ani nani zvake anofumura huwori huri kuramba huchidhonzera nyika pasi, zvikuru munyaya dzekutengeswa kwemari pamisika mitema.

Mukuru wevechidiki muZanu PF uye vari mumiriri weGutu South, VaPupurai Togarepi vanoti munhu wese muZimbabwe ane kodzero yekuti akaona zvisina kumira zvakanaka azvitaure sezvo izvi zvakanakira nyika.

Mashoko aVaTogarepi anouya zvichitevera kufumurwa naVaAcie Lumumba kwevashandi vebhanga guru reReserve Bank of Zimbabwe vana vanonzi vaiita zvehuwori, izvo zvakazoita kuti gavhuna veRBZ vambomisa vashandi ava mabasa kuitira kuti vaferefetwe.

VaTogarepi vanoti munhu wese anofanira kuita basa rekurwisana nehuwori nekuti huri kuuraya nyika.

Vanoti mutungamiri wenyika VaEmerson Mnangagwa vanoda rutsigiro kuti zvinhu zvigadzirisike munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG