Accessibility links

Breaking News

VeChidiki VeZanu-PF Vopomerwa Mhosva yeKurova Meya weMDC


Meya wedhorobha reChitungwiza, VaLovemore Maiko vanonzi varohwa nevechidiki veZanu PF pamahofisi avo zvichitevera kumbomisa basa kwavaita town Clerk wedhorobha iri, VaGeorge Makunde.

Zvinonzi paita bata murefu bata mupfupi pamahofisi ekanzuru yeChitungwiza nhasi apo vechidiki vasvikorova VaMaiko.

Mutevedzeri waMeya wedhorobha, VaMusa Makweza vaudza Studio 7 kuti VaMaipa vaendeswa kuchipatara zvichitevera kurohwa kwavaitwa uku. Mapurisa emuno muChitungwiza anonzi asungawo vechidiki veZanu PF vaviri zvichitevera mhirizhonga iyi.

VaMakweza vati VaMakunde havasi kufambisa basa ravo zvakanaka mukanzuru uye havasi kuuya kubasa sezvavanotarisirwa kuti vange vachiita.

Zvinonziwo mapurisa anorwisa mvongamupopoto ndiwo azomisa mhirizhonga yanga ichiitika iyi.

Mumwe mushandi wekanzuru aramba kudomwa nezita audza Studio 7 kuti mahofisi ekanzuru pamwe nemahofisi ehurumende anotorerwa zvitupa ayo akabatana nemahofisi ekanzuru azoswera avharwa pasisina basa riri kuitwa mushure mekunge mapurisa adzinga vanhu vese pamahofisi aya.

Mumashoko kuvatori venhau, mutevedzeri wemunyori anoona nezvekuburitswa kwemashoko muMDC VaLuke Tamborinyoka vanoti VaMakunde svondo rapera vakaronga dhende rekuti VaMaiko naVaMakweza vasungwe iri mushure mekunga vanzwa ruyerekupe rwekuti vainge vachida kumiswa basa nenyaya yehunhubu uye kusauya kubasa.

VaTamborinyoka vati vakatenga nzvimbo zvisiri pamutemo ndivo vatsvaga marori ange akatakura vechidiki vanodarika zana vanofungidzirwa kuti ndeveZanu-PF kuzoita mhirizhonga.

Mutauriri weZanu-PF VaSimon Khaya Moyo vaudza Studio 7 kuti vange vasati vapirwa nyaya iyi asi vakati bato ravo harikurudzire zvemhirizhonga uye vanoita zvemhirizhonga vanofanira kusungwa.

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vati vanga vasati vave neruzivo rwezvaitika kukanzuru vakati tigozodzoka kwavari.

VaMakunde vatiwo vari kunenedzerwa mhosva dzavasina kupara vakati tigozovabata mushure meawa imwechete kuti vatipe divi ravo rizere asi pataenda pamhepo nharembozha yavo yanga isiri kupinda.

Vane ruzivo nezviri kuitika mukanzuru yeChitungwiza vanoti pane kusawirirana pakati paVaMaiko naVaMakunde panyaya yekuti VaMakunde, avo vanove nhengo yeZanu PF kuMashonaland Central, vari kudherera VaMaiko vachiti havana zvavanoudza sezvo vari nhengo yeMDC. MDC ndiyo yakakunda muChitungwiza musarudzo dzemakanzuru.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG