Accessibility links

Breaking News

Vechidiki VeZanu PF Vodzidziswa Zvehondo paChikoro cheSherenje kuManicaland


Pane vechidiki vanzi vari kudzidziswa zvidzidzo zvemaoko pachikoro cheSherenje Secondary, chiri mudunhu reHeadlands, kuManicaland, iro rinomirirwa muparamende naVaDidymus Mutasa, veZanu PF.

Asi vamwe vane ruzivo nezviri kuitika pachikoro apa vati hurongwa uhwu, uhwo hwunonzi huri kupindwa nevechidiki veZanu PF chete, huri kudzidzisa vechidiki ava zvechiuto zvakaita sekufora, kusaruta uye kupfudza pamwe nekuvaka pfuti.

Chirongwa ichi chinonzi chakafanana nechemaBorder Gezi chekudzidzisa vechidiki, kunyange hazvo chakanzi chakambomiswa. Vechidiki vanodarika mazana maviri vanonzi vari pachikoro apa.

Zvinonziwo vechidiki makumi manomwe vari kutarisirwa kupedza zvidzidzo musi wa27 mwedzi uno. Vabereki vemunharaunda iyi vanonzi vari kumanikidzwa kubvisa mari ichashandiswa musi wekupedza zvidzidzo uyu.

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu, reZimrights, rinonzi riri kuda kuti nzvimbo iyi ivharwe nekukasika. Asi VaMutasa vakaudza bepanhau reDaily News kuti nzvimbo iyi haisi kuzovharwa sezvo iri kudzidzisa vechidiki mabasa ekuriritira mhuri dzavo.

Studio 7 haina kukwanisa kubata VaMutasa kuti tinzwe zvizhinji zviri kuitika. Asi gurukota rezvedzidzo, VaDavid Coltart, vaudza Studio 7 kuti havasati vave neruzivo rwakakwana pamusoro pezviri kuitika panzvimbo iyi.

Hatina kukwanisawo kubata gurukota rezvevechidiki, VaSaviour Kasukuwere, kanawo mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo.

Mutauriri weMDC kuManicaland, VaPishai Muchauraya, vaudza Studio 7 kuti vemunharaunda yechikoro ichi havachabvumidzwi kusvika pachikoro ichi, apo pava kuita sepakaberekera ingwe.



XS
SM
MD
LG