Accessibility links

Breaking News

Vechidiki veMDC Vanoratidzira kuMasvingo


Vechidiki vebato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai kuMasvingo, varatidzira mumigwagwa vachinyunyuta nekunonoka kupera kuri kuitika munhaurirano, kumuka koita mhirizhonga, uye kusagadzwa kwemubati wehomwe mubato iri, VaRoy Bennett, semutewedzeri wegurukota rezvekurima pamwe nekusatongwa kwevakapara mhosva pamhirizhonga yakaitika musarudzo dza2008.

Vechidiki ava vanonzi vasvitsawo magwaro enyunyuto kumahofisi agavhuna weMasvingo, VaTitus Maluleke, pamwe nekumahofisi ebazi rezvemutemo nebazi rezvepodza maronda. Vanga vachikurudzirawo kuti mitemo yenyika iremekedzwe.

Zvinonzi munhu mumwe chete ambochengetedzwa nemapurisa, asi akazoregwa.

Vechidiki vebato iri mumatunhu akasiyana siyana munyika vakaratidzirawo, kunyange hazvo vari kunyimwa mvumo nemapurisa.

Mutauriri weMDC mudunhu reMasvingo, VaTongai Matutu, vaudza Studio7 kuti bato ravo richaramba richiratidzira kusvika zvinyunyuto zvavo zvanzwikwa.

XS
SM
MD
LG