Accessibility links

Breaking News

VeChidiki veMDC-T Vanosungwa kuMashonaland Central


MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai kuMashonaland Central inoti iri kushushikana zvikuru nekusungwa kuri kuitwa nhengo dzayo mudunhu iri.

Izvi zvinotevera kusungwa kwenhengo dzebato iri shanu kuGlendale neBindura mudunhu iri nemusi weSvondo neMuvhuro. Dzimwe nhengo nhatu dzeMDC dzinonzi dziri kutsvagwa nemapurisa.

Vechidiki ava vari kupomerwa mhosva yekuzvidza mutungamiri wenyika kuburikidza nekushandisa mashoko ekuti “ Mugabe mudenga, roverai pasi” ayo vanonzi vakaita pamusangano wavo muGlendale neSvondo.

Vakasungwa ava vanosanganisira makanzura maviri eMazowe South, VaMike Choto naVaFlackson Makwara pamwe naVaSimba Manyadza.

Mushandi mukuru muhofisi yebato iri kuMashonanald Central, VaJacob Gwature, vanoti vanofunga kuti izvi zviri kuitirwa kuvashungurudza patarisana nesarudzo dziri kunzi dzingangoitwa gore rinouya, sezvo dunhu iri rakambenge riri pasi peZanu PF.

Mune imwewo nyaya, mumiriri weMkoba mudare reparamende, uye vari nhengo yeMDC T, VaAmos Chibaya, avo vakasungwa nemusi weSvondo vachipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga kuMberengwa, vabvisiswa mari yechibatiso inoita madhora makumi mashanu nedare remuGweru.

Gweta riri kumirira VaChibaya, VaReginald Chidawanyika, vanoti VaChibaya pamwe nemumwe wavo, VaLivingstone Chiminya, vanzi vadzoke mudare kutanga kwemwedzi unouya.

XS
SM
MD
LG