Accessibility links

Breaking News

VeChidiku muMDC Voramba Kuti Ndivo Vakakonzersa Kupfurwa KweVanhu neMauto


Happymore Chidziva MDC -T
Happymore Chidziva MDC -T

Vechidiki mubato rinopikisa reMDC vaburitsa mashoko kuvatori venhau vachitsutsumwa zvakanyanya nemashoko akataurwa nevamwe vakuru vemapurisa nemauto kuti ndivo vakakonzera kufa kwevanhu muHarare musi wa 1 Nyamavhuvhu.

Mapurisa nemauto aya aipawo humbowo kukomisheni yakadomwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti iferefete nyaya yeku urayiwa kwevanhu ava.

Vaimbova mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaKgalema Mothlante ndivo sachigaro wekomisheni iri kutsvaka chikonzero chakaita kuti vanhu ava varatidzire kuzopfurwa kwakaitwa vamwe.

Mutungamiri wevechidiki muMDC vachimiririra Highfield mudare reparamende VaHappymore Chidziva vanoti vechidiki ve MDC havanei nechekuita nekupfurwa kwevanhu ava.

Vanoti handi chokwadi kuti MDC ine vechidiki vebato ravo vanozivikanwa nekuti Vanguard vane pfuti.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG