Accessibility links

Breaking News

VeChidiki muHarare Vanoti Vanotsigira VaChamisa


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Vechidiki mubato reMovement for Democratic Change mudunhu reHarare vanoti vawirirana kutsigira VaNelson Chamisa semutungamiriri webato iri musarudzo dzirikutarisirwa muna Chivabvu.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare nhasi, vakasanobata chigaro chemutungamiriri wevechidiki mudunhu reHarare VaStanley Manyenga vati pamusangano yavakaita neMugovera neSvondo vakawirirana kuti vachazenge vachitsigira VaNelson Chamisa.

Munyori muboka revechidiki iri VaDenford Ngadziore vaudza Studio 7 kuti huwandu hwemavhoti akawanikwa naVaChamisa musarudzo dzapera ndiwo aita kuti vafunga kuvadzorera vachiti zvinobatsira kusimudzira bato ravo.

Mumwe mutungamiriri wesangano revechidiki rakazvimiririra rePlatform for Youth Development, VaClaris Madhuku vati hapana chakaipa kuti mapoka adome vatungamiriri vavachatsigira asi vanofanirwa kupa munhu wese mukana wekukwikwidza nekutsvaka rutsigiro.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaFarai Mabeza vanoti havaoni bato reMDC richiita sarudzo dzejekerere.

VaMabeza vanoti vanokatyamadzwa kuti murongi wemusangano muMDC T inotungamirirwa naVaNelson Chamisa VaAmos Chibaya vakati hapana anofanirwa kukwikwidza VaChamisa kumusangano wavo wekutsvaka hutungamiriri hutsva.

Vechidiki mudunhu reHarare vaudzawo vatori venhau kuti vanofungidzira kuti bato reZanu PF richashandisa dzimwe nhengo dzebato iri kuti dzikwikwidze VaChamisa.

Asi mutauriri weZanu PF VaSimon Khaya Moyo nezuro vakaudza vatori venhau kuti havanei nezviri kuitika mubato reMDC T uye vakaramba mashoko ekuti vanoda kuti VaChamisa vasatungamire bato iri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG