Accessibility links

Breaking News

Sangano ReZimbabwe Youth Forum Rokurudzira Kugadzira Sarudzo Inerunyararo


Sangano re Youth Forum Zimbabwe rinoti pane zvinhu zvakawanda zvinofanirwa kugadziriswa kuitira kuti munyika muitwe sarudzo dzakachena.

Sangano iri rinotiwo munyika munofanirwa kuva nerunyararo, izvo zvinozopa kuti munhu wese aende kunovhota akasununguka.

Parizvino sangano iri rinoti riri mushishi rekukwezva vechidiki vane huwandu unosvika 1 000 000 kuti vanyorese kuti vazokwa ichi charo muna Mbudzi gore rapera uye chiri kufamba zvakanaka kunyangwe zvazvo vachimbosangana nedambudziko rekushungudzwa nevasori ve Zanu PF avo vaka vanonzi vakasvika pamahofisi eYouth Forum Zimbabwe muna Kukadzi gore rapera vakashungurudza vashandi.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko mu Youth Forum Zimbabwe, vaTawanda Mashava, vanoti chinangwa chavo ndechekuti huwandu hwevechidiki vacha kwanisa kuvhota musarudzo padzichaitwa munyika huwande.

XS
SM
MD
LG