Accessibility links

Breaking News

VeAmerica neSADC Dzozeyaya Nyaya yeZimbabwe


Bato reZanu-PFriri kutarisirwa kunetsana zvikuru nesangano reSADC mushure mekunge SADC yoramba ichienderera mberi nekuita misangano nehurumende dzakaita seAmerica neBritain, ichiedza kugadzirisa matambudziko ari munyika.

SADC iri kuita musangano wayo wechimbi chimbi wekukurukura nyaya yeZimbabwe kunamibia musi wa20 Chivabvu. Mazuva mashoma apera, SADC yakaita musangano nevakuru vehurumende yeAmerica wekuzeya nyaya yeZimbabwe.

Vakange vakamirira America vanosanganisira chipangamazano chemutungamiri weAmerica VaBarack Obama, Amai Mary Yates, munyori anoona nezvekudyidzana kweAmerica nenyika dzemu Africa, VaJonnie Carson, nevamwe vanoshanda muhofisi yekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica.

VaCarson vakati America haisi kufara nenyaya yemhirizhonga iri kuramba ichiitika muZimbabwe uye nyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu.

Vaitungamira SADC munhaurirano idzi chipangamazano chegurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muNamibia, VaTuliamani Kalomo.

Dzimwe nyika dzainge dzakamirirwa pamusangano uyu dzinosanganisira Zambia, South Africa nevashandi veSADC.

Vakaoma musoro muZanu-PF vanoti havasi kufara kuti SADC iri kuita misangano nenyika dzakaiata seAmerica neBritain vachikurukura nyaya yeZimbabwe.

Asi mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti MDC ndiyo inokonzera mhirizhonga.

Asi mutauriri mutsva weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti mashoko aVaGumbo ndeemugotsi matsuro.


Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaTrevor Maisiri, vanoti zviri pachena kuti nekuratidzira kuri kuitika kuMiddle East nekuNorth Africa, America haisi kuda kuti muZimbabwe muite hondo. Asi vati Zanu-PF inogona kuomesa musoro.

XS
SM
MD
LG