Accessibility links

Breaking News

Nhumwa dzaVaZuma Dziri muZimbabwe Kuzoyananisa


Nhumwa dzemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, dziri kuita hurukuro munyika dzekuyedza kugadzirisa zviri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa.


Chipangamazano chaVaZuma, Muzvare Lindiwe Zulu, vaudza Studio7 kuti vakapinda muHarare neChipiri uye vari kuita misangano nenhumwa dzemapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa uye nhengo dzeJOMIC.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC-T, Muzvare Thabita Khumalo, vanoti nhumwa idzi dzatiwo dziri kuda kuita hurukuro neveJOMIC manheru eChipiri. Vamwe vataura vakamiririra MDC-T vanoti bato ravo ranyora gwaro ravari kuda kupa kuna VaZuma rinoratidza kugunun’una kwavo nekusungwa kuri kuitwa nhengo dzavo, pamwe nevemasangano akazvimirira.

Mudare remakurukota neChipiri makurukota eMDC akaudza mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti havasi kufara nekupfuviswa kuri kuitwa nhengo dzavo.

Zvinonzi mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti ivo nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vachatarisa nyaya iyi iyo yava kunza mutauro wakanyanya muhurumende yemubatanidzwa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaTrevor Maisiri, vanoti SADC yakutoda nhumwa inogara muZimbabwe kwete vanouya vachienda saVaZuma nekuti kana vangoenda hapana chinobuda.

XS
SM
MD
LG