Accessibility links

Breaking News

VaZuma Votumira Nhumwa Kunogadzirisa Nyaya yeZimbabwe


South Africa yaumba chikwata chevanhu vatatu chiri kutarisirwa kuenda kuZimbabwe neChishanu kunoona kuti nhaurirano pakati pemapato maviri eMDC neZanu-PF, dzafamba nenzira iri kutarisirwa nenyika dziri muSADC, kwete kudya manonoko kwadziri kuita pari zvino.

Mutauriri waVaZuma, VaVincent Magwenya, vaudza Studio7 kuti chipangamazano chaVaZuma, VaCharles Nqacula, ndivo vachatungamira chikwata chadomwa muSouth Africa, kuti chiende kuZimbabwe.

Vamwe varimo ndiMuzvare Lindiwe Zulu, vanova chapangamazano munyaya dzekudyidzana nedzimwe nyika, uye vaimbova gurukota rezve kufambiswa kwezvinhu VaMac Maharaj. Kudomwa kwechikwata ichi kwave kureva kuti kuyananisa kwaVaThabo Mbeki vaimbova mutungamiri weSouth Africa kwasvika kwamvura yacheka makumbo.

VaMagwenya vati vatatu ava vachashanda kubatsira VaZuma kuti vaone kuti vazadzikisa zvavakanzi zviitwe neSADC zvekuona kuti nhauririrano dzemuZimbabwe dzapera zvakanaka.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti nhaurirano idzi dziri kunonoka nekuda kweropa rakaipa riri pakati peMDC neZanu-PF, uye nyaya yekuda kutaura zvinhu zvakawandisa panguva imwe chete kuri kuitwa nevamwe vari munhaurirano.

Zvinonzi Zanu-PF iri kuramba yakatsika madziro kuti nyaya yekuti nhepfenyuro dzakaita seStudio7 neSW Radio Africa dzivharwe. Mapato ari muhurumende yemubatanidzwa akabvumirana kuti nyaya yenhepfenyuro dzekunze inofanirwa kugadziriswa. Asi nyanzvi munyaya dzekutepfenyura dzinoti Zimbabwe haina simba rekumisa nhepfenyuro idzi, sezvo dzakatangwa pasina kuwirirana nehurumende yaVaMugabe.

Zvinonzi Zanu PF iri kutiwo MDC ngaidome mumwe munhu anotsiva mubati wehomwe mubato iri, VaRoy Bennett, kuti adomwe semutevedzeri wegurukota rezvekurima.

VaBennett vari mudare vachipomwerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende yaimbova yaVaMugabe zvichitevera kukundwa kwakaitwa mutungamiri wesarudzo, VaMorgan Tsvangirai, musarudzo yemutungamiri wenyika muna 2002. VaBennett vari kuramba mhosva yavari kupomerwa.

VeZanu-PF neMDC vaudza Studio7 kuti kunyange hazvo vave nemazuva matatu vachitaurirana, hapana chakati tsvikiti chati chabuda.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, VaMsekiwa Makwanya, vanoti vane chivimbo chekuti VaZuma vachabudirira pachitariswa zvakaitwa nevaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, vavanoti vakasiya nyaya ichiri mbishi.

XS
SM
MD
LG