Accessibility links

Breaking News

VaZuma Votarisirwa muHarare Kuzogadzirisa Zvinetswa muHurumende yeMubatanidzwa


Lindiwe Zulu, Zuma advisor

Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vari kutarisirwa kupinda munyika svondo rinouya kuti vazogadzirise nyaya yemisariridzwa iri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa.

Izvi zvinotevera tsamba yakanyorwa neMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai kunaVaZuma ichavakurudzira kuti vapindire sezvo nhaurirano pakati peZanu-PF neMDC dzarova mudhuri.

VaZuma vakawiriranawo nemutungamiri weBritain, VaGordon Brown, pavakashanya mu London svondo rapera kuti zviri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa zvigadziriswe.

Chipangamazano chaVaZuma munyaya dzezvekudyidzana nedzimwe nyika, Muzvare Lindiwe Zulu, vanoti nhumwa nhatu dzaVaZuma, kusanganisira iwo, dzichatanga dzaenda kuZimbabwe, VaZuma vozotevera.

Munyori mukuru weMDC, VaTendai Biti, vanoti nhaurirano neZanu-PF dzaenda kwamupfiganebwe, chasara kuti VaZuma vachipindira.

Asi mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakaudza vapepeti venhau svondo rapera kuti nhaurirano dziri kuenderera mberi, asi chiri kudzinonotsa makurukota ari kudzitungamira akaita saVaBiti negurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, avo vanenge vasipo dzimwe nguva nekuda kwekuwandirwa nebasa.

Nyaya dziri kudiwa naVaZuma kugadziriswa nechimbichimbi, inyaya dzekugadzwa kwemagavhuna ematunhu, kutoreswa mhiko kwaVaRoy Bennett semutevedzeri wegurukota rezvekurima nezvimwe.

VaPhillan Zamchiya vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachiita zvidzidzo zvepamusoro soro munyaya dzebudiriro paOxford University kuBritain.

VaZamchiya vanoti havaone VaZuma vachibudirira kugadzirisa nyaya iyi kunze kwekuti paitwe sarudzo itsva.

VaTsvangirai vari kunetsana naVaMugabe muhurumende yemubatanidzwa panyaya dzakawanda. VaTsvangirai vanoti VaMugabe vari kuita humbimbindoga muhurumende yemubatanidzwa, vachibvarura zvavo chibvumirano che Global Political Agreement pamadiro.

XS
SM
MD
LG