Accessibility links

Breaking News

VaZuma Votarisirwa Kuti Vapindire paNyaya yeDare reMakurukota muZimbabwe


Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vanonzi vanogona kuzodaidzwa zvakare kuti vagadzirise dambudziko remakurukota ehurumende iro rotsemura hurumende yemubatanidzwa nepakati.

NeChishanu, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakatorera masimba makurukota ehurumende ane chitsama eMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, vachiapa kuhofisi yavo kana mamwe makurukota eZanu-PF.

Makurukota akatorerwa masimba anosanganisa rezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko, gurukota rezvevashandi, gurukota rebumbiro nemabasa eparamende.

VaMugabe vakaendesa kuhofisi kwavo nyaya yekusora mashoko, uye kuva nemasimba ekushandisa chisimba pazvinhu zvinenge zvashata.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanotiVaTsvangirai vakaudza dare remakurukota neChipiri kuti ivo naVaMugabe vachaedza kugadzirisa nyaya iyi svondo rinouya.

Asi vakuru muMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara naVaTsvangirai, vanoti vaviri ava, VaMugabe naVaTsvangirai, vakundikana kugadzirisa nyaya iyi.

Vamwe muMDC vanoti zviri nani kubuda muhurumende yemubatanidzwa pane kungooneswa ndondo naVaMugabe.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaCharles Mangongera, vanoti zviri pachena kuti VaMugabe vave kutarisira sarudzo itsva, izvo zviri kupa kuti votore masimba ose akakosha.

XS
SM
MD
LG