Accessibility links

Breaking News

VaZuma Votarisirwa Kukurudzira Britain Kuti Ibvise Zvirango Zvakatemerwa VaMugabe


Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vari kutarisirwa kukurudzira hurumende yeBritain kuti ibvise zvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nevamwe vavo muZanu-PF vanosvika mazana maviri.

VaZuma vari kutarisirwa kushanya kuBritain svondo rinotevera uye vanoti zvirango izvi zvave kukanganisa hurumende yemubatanidzwa.

Vachitaura nebepanhau reFinancial Times, VaZuma vakatiwo dai zvaibvira zvirango izvi zvambobviswa kana kwemwedzi mishoma kuitira kuti zvinhu zvifambe muZimbabwe.

Asi vamiri venyika dziri muEuropean Union vanoti kuoma musoro kwaVaMugabe nekusatevedzera zviri muchibvumirano cheGPA ndizvo zvakapa kuti vawedzere zvirango izvi kwegore zvakare.

Asi Zanu-PF inoti MDC ndiyo yakaita kuti zvirango izvi zvitemerwe nyika. Bato iri rinoti kana zvirango izvi zvisina kubviswa harisi kuzotaurirana neMDC pane misariridzwa iri muchibvumirano che GPA.

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vari kunetsana naVaMugabe nenyaya yekusagadzwa kwemagavhuna mumatunhu akakunda MDC musarudzo, kudomwa kwakaitwa gavhuna webhanga guru renyika, pamwe nemuchuchusi mukuru wehurumende naVaMugabe vasina kusuma VaTsvangirai pamwe nemutevedzeri wavo, VaArthur Mutambara.

Asi MDC inoti Zanu-PF iri kukangwa nemafuta ayo sezvo ari mabasa ayo erima akaunza zvirango izvi.

VaMsekiwa Makwanya vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMakwanya vanoti zvakakosha kuti VaZuma vataure nyaya iyi nehurumende yeBritain, sezvo zvirango izvi zvave kukonzera mutauro munyika.

Zvichakadaro, MDC inoti iri kushora zvikuru danho rinonzi rakatorwa nevechidiki veZanu-PF vakafora muHarare neChitatu rekutarira VaTsvangirai nguva yekuti vashevedzere kubviswa kwezvirango.

Bepanhau reHerald rinoti vechidiki ava vakapa VaTsvangirai kusvika musi wa 24 Kurume, kuti vaite izvi, vakati kukundikana kwavo kuchavashevedzera matambudziko makuru kubva kune vechidiki vemuZimbabwe.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti iyi inyaya hombe kwazvo yekukurudzira mhirizhonga uye vachaita kuti hurumende yemubatanidzwa itore matanho akakodzera.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaJames Maridadi, vashorawo zvakaitwa nevechidiki veZanu-PF. Asi vati havana kupihwa tsamba yenyunyuto kubva kune vechidiki veZanu-PF ava.

XS
SM
MD
LG