Accessibility links

Breaking News

VaZuma Voshanda neSADC Mukuumba Hwaro hweSarudzo muZimbabwe


Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vanonzi vave kushanda nevamwe vatungamiri venyika dzose dzemuSADC kuti vaumbe hwaro hwesarudzo dzemunyika kana kuti Elections Roadmap.

VaZuma vanonzi vatotanga nhaurirano nevatungamiri vatatu vari muhurumende yemubatanidzwa vanoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, uye mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, kuti vaone kuti voita sei negwara resarudzo iri.

Asi vane ruzivo nezviri kuitika vanoti VaZuma neSADC havasi kuda kuti musarudzo muitike kunetsana sezvakaitika muna 2008 kana kuti vamwe varambire pachigaro sezviri kuitika kuIvory Coast.

Chipangamazano chaVaZuma, Muzvare Lindiwe Zulu, vatenda kuti nhaurirano idzi dzatanga uye vati havadi kuti pakaitwa sarudzo anenge akundwa arambire pachigaro.

Vakuru muSADC vanotiwo zvizhinji zvichange zviri muhwaro hwesarudzo zvichabva mune zvakatenderanwa kare kuMauritius muna 2004 zvekuti sarudzo dziitwe pasina mhirizhonga uye pasina kudzvinyirira vamwe.

Sachigaro wesangano reZimbabwe Election Support Network, VaTinoziva Bere, vanoti VaZuma vanofanira kunzwawo pfungwa dzevanhu vemunyika kwete vari muhurumende yemubatanidzwa chete.

XS
SM
MD
LG