Accessibility links

VaZuma Vokurudzirwa neSADC Kuvaka Musasa muZimbabwe

  • Blessing Zulu

Vatungamiri venyika dzemuSADC, avo vanoti vave kuneta nenyaya yekugara vachikurukura gakava riri muZimbabwe, vapa kurudziro yekuti mutongi gava pagakava remuZimbabwe, VaJacob Zuma, mutungamiri weSouth Africa, varambe vakaisa ziso ravo paZimbabwe kuitira kuti vaone kuti nhumwa dzavo dzagara nguva yakareba dziri muZimbabwe dzichigadzirisa gakava remunyika iyi.

Nhumwa dzaVaZuma dziri kutarisirwa kupinda munyika kaviri pamwedzi uye dzichange dzobatsirwa zvakasimba nedzimwe nhengo nhatu dzichabva kuSADC Troika dzichange dzichishanda nesangano reJOMIC mukuona kuti zvibvumirano zveGlobal Political Agreement, kana kuti GPA, zvatevedzerrwa.

SADC inotiwo panozosvika mwedzi waNyamavhuvhu, nyaya yekugadzirisa hwaro hwesarudzo inofanirwa kunge yapera, kuitira kuti iturwe kumusangano mukuru weSADC wepagore uchaitirwa kuAngola mwedzi uyu.

Mapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa audza Studio7 kuti atotanga hurongwa hwavo hwekunyora gwara nehwaro hwesarudzo vachiisa mazuva ekuti zvinoda kuitwa zvingapere riini.

Chipangamazano chaVaZuma, Muzvare Lindiwe Zulu, vaudza Studio7 kuti vari kupinda munyika kutanga kwemwedzi unouya kuti vapedzise hurongwa hwehwaro hwesarudzo nezvimwe zviri kunetsa muGPA.

Munyori mukuru muMDC-T, VaTendai Biti, vatenda kuti vatotanga kunyora hwaro negwara resarudzo.

Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti pakangopera kunyorwa gwara resarudzo, sarudzo dzinofanira kuitwa.

Mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vanoti zvinokwanisika kuti zviri kunetsa zvigadziriswe paine nguva.

Nyazvi munyaya dzezve kudyidzana nedzimwe nyika dzinoti zvoitwa ndochaizvo zvinofanirwa kunge zvichiitwa kuitira kuti nyika igadzikane.

XS
SM
MD
LG