Accessibility links

Breaking News

VaZuma Vokurudzira VaMugabe naVaTsvangirai Kuti Vashande Vose


South Africa's President Jacob Zuma (File)
South Africa's President Jacob Zuma (File)

Mutungamiri weSouth Africa, uye vari mutongi gava pagakava riri muZimbabwe, VaJacob Zuma, vakapinda munyika neChishanu kuzoyedza kugadzirisa gakava riri muhurumende yemubatanidzwa.

Vane ruzivo nezvakaitika mumusangano uyu vanoti VaZuma vakakurudzira mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, kuti vayedze kushanda vose vasingatukane.

VaZuma vanonzi vaita misangano nevatatu ava mumwe mumwe kuRainbow Towers kutanga naVaMugabe, VaTsvangirai ndokugumisira naVaMutambara. Vazoitawo musangano nevatatu ava vari pamwe chete.

VaZuma vanonziwo vataura nyaya yekuti vatatu ava vatevedzere zviri muGPA nekugadzirira hwaro hwesarudzo hwakachena.

VaZuma vaudza vatori venhau kuti hapana zvavangataure zvakawanda vasati vaudza SADC Troika.

Hukama pakati peMDC neZanu-PF huri kuramba huchienda kumawere. VaTsvangirai vakatokwidza VaMugabe kudare repamusoro soro reSupreme Court vachiti vari kutyora chibvumirano cheGPA kuburikidza nekudoma kwavakaita magavhuna ematunhu vasina kugara pasi nevamwe vavo sezvinodiwa neGPA.

Nhepfenyuro yeZBC nemapepanhau eHerald neSunday Mail anorerekera kuZanu-PF, atanga zvakare nyaya yekutuka nekushora VaTsvangirai.

Ukuwo veZanu-PF vari kugofa moto kuburikidza nemashoko asachigaro webato iri, VaSimon Khaya Moyo, avo vari kupika mubepanhau reHerald kuti havazofi vakabvuma kuti MDC itonge nekuti inotengesa nyika.

Mashoko aya atsinhirwawo naPolice Commissioner General, VaAugustine Chihuri, avo vakaudza mapurisa ainge apedza zvidzidzo neChishanu kuti zvimbasungata hazvife zvakatonga nyika. Vakatiwo mapurisa ngaavhote akachenjere.

Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti havasi kuzodududza panyaya yemagavhuna uye vati pachaitwa sarudzo kunyange pasina bumbiro idzva remitemo.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye vachishanda neCrisis in Zimbabwe Coalition, VaDewa Mavhinga, vanoti VaZuma neSADC vanofanira kumanikidza VaMugabe kutevedzera zvavanenge vawirirana.

XS
SM
MD
LG