Accessibility links

Breaking News

VaZuma Vanoti Zimbabwe Ngainyore Gwara reHwaro hweSarudzo


South Africa's President Jacob Zuma, during the first session of the 3rd Africa-EU Summit in Tripoli, Libya, 29 Nov 2010
South Africa's President Jacob Zuma, during the first session of the 3rd Africa-EU Summit in Tripoli, Libya, 29 Nov 2010

Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vapa kurudziro yekuti vari kutungamira munhaurirano dzemapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa, vatange kunyora gwaro rine hwaro hwesarudzo.

Chipangamazano chaVaZuma, Muzvare Lindiwe Zulu, vaudza Studio7 kuti nhaurirano panyaya iyi dziri kutanga mazuva mashoma anotevera. Muzvare Zuma kunyange hazvo pav kuitwa hwaro hwesarudzo, hapasati patarwa zuva resarudzo idzi. Vatiwo vanoda kuti sarudzo dzemu Zimbabwe dziitwe murunyararo.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti SADC iri kunetseka zvikuru nenyaya yemhirizhonga munyika iyo yoramba ichipararira kubva zvanzi pangangoitwa sarudzo gore rinouya.

Vatungamiri vatatu vari muhurumende yemubatanidza vanzi vachatarisirwa kuenderera mberi nehurukuro dzekugadzirisa mimwe misariridzwa yemuchibvumirano che Global Political Agreement, kana kuti GPA, yakaita senyaya dzemagavhuna, nyaya yekugadzwa kwaVaRoy Bennet semutevedzeri wegurukota rezvekurima nedzimwe dziri kunetsa.

Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vakatoisa parutivi mubhajeti yavo mari inosvika mamiriyoni makumi mashanu emadhora, yekugadzirira sarudzo nereferendum.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaCharles Mangongera, vanoti VaZuma vanofanira kukokawo masangano akazvimirira kuti ave nechekuita panyaya dzesarudzo dzemuZimbabwe.

XS
SM
MD
LG