Accessibility links

Breaking News

VaZuma Vanoti Havasi Kuzotambira Gwaro Risina Kuitwa neMazvo Pahurukuro dzeZimbabwe


Nhaurairano dzemapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa, dzakaenderera mberi neChishanu kuNyanga.

Nhaurirano idzi dzakatanga neChina zvichitevera kurudziro yakasiya yaitwa nemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma. Hapana ari kuziva kuti vari kutaurirana ava vasvika papi.

Asi VaZuma vari kutarisirwa kunetsana zvakanyanya neZanu-PF mushure mekunge chipangamazano chavo, Amai Lindiwe Zulu, vazivisa kuti South Africa haisi kuzobvuma kutambira gwaro kubva kuvari munhaurirano risina zvakatarwa navazuma.

Mashoko aya anotevera mashoko emutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, ekuti vari kutungamira bato ravo munhaurirano, uye vari gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, vakati hapana kana chimwe chakabvumiranwa nemapato aya pakauya vazuma svondo rapera kuzoyananisa mapato ari muhurumende yemubatanidzwa.

Asi VaZuma vakaudza vatori venhau kuti pane zvainge zvatenderanwa uye chainge chasara kuti vari kutungamira nhaurirano, vasangane kubva nezuro kusvika nemuvuro, vachitaurirana kuti zvakatenderanwa zvozadzikiswa riini.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti nyaya idzi dzinosanganisira yekuti poitwa sei nagavhuna webhanga guru renyika, pamwe nemuchuchusi mukuru wehurumende, avo vakadomwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasina kusuma mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, sezvinodiwa nechibvumirano che Global Political Agreement.

Zvinonziwo zanu-pf iri kuramba yakatsika madziro pane zvimwe zvakatenderanwa, izvo zvava kupa kuti mdc iti vazuma vadzoke kuHarare svondo rinouya.

Asi Amai Zulu vanoti nhumwa dzavazuma ndidzo dzichauya munyika svondo rinouya.

Amai Zulu vati kana zvakabvumiranwa zvisina kuitwa, nhaurirano dzichanzi dzitange patsva.

VaCharles Mangongera vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMangongera vanoti Zanu-PF rwendo rwuno yanyangira yaona.

XS
SM
MD
LG