Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vapinda munyika kuti vayedze kugadzirisa kusawirirana kunotyisa kuri pakati peZanu-PF neMDC muhurumende yemubatanidzwa.
Rwendo rwaVaZuma rwunotevera rwenhumwa dzavo nhatu dzakapinda munyika neMuvhuro kuzofanokura nzira. NeMuvhuro nhumwa dzaVaZuma idzi dzakaita musangano nemapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa, asi zvinonzi hapana chakabuda.
Imwe nhumwa yaVaZuma, Muzvare Lindiwe Zulu, vanovazve chipangamazano chaVaZuma, vanoti vari kutungamira nhaurirano idzi mumapato matatu vari kusangana neChipiri kuti vabude negwaro richapihwa kunhumwa dzaVaZuma, VaZuma, uye vatungamiri vemapato matatu ari muhurumende anoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, uye mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara.
Muzvare Zulu pamwe nemutauriri wemutungamiri wehurumende, VaJames Maridadi, vati hurukuro dzakasimba dziri kutarisirwa kutanga neChitatu. Asi vati neChipiri manheru kuchamboitwa mabiko emafaro senzira yekutambira VaZuma.
VaTsvangirai vari kunetsana naVaMugabe panyaya dzemagavhuna ematunhu, kugdzwa kwagavhuna webhanga guru renyika, pamwe muchuchusi mukuru wehurumende naVaMugabe vasina kusuma VaTsvangirai.
Vainnocent Sithole inyanzvi munyaya dzekudyidzana nedzimwe nyika. VaSithole vanoti havaoni VaMugabe vachibvuma kuti zvinhu zviri kunetsa zvigadziriswe nekudaro VaZuma vane mutoro wakakura.