Accessibility links

Breaking News

VaZuma Vanonzi Vari Kuziva Havo Kuti muZimbabwe Maberekera Ingwe


Chipangamazano chemutungamiri wenyika yeSouth Africa VaJacob Zuma, muzvare Lindiwe Zulu vanoti VaZuma vari kuziva havo kuti zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika hazvina kumira zvakanaka muZimbabwe nekuda kwekukandirana makobvu nematate pakati peZanu-PF neMDC-T.

Muzvare Zulu vatiwo nyaya yeZimbabwe inogona kunyatsogadziriswa naivo vana veZimbabwe vakati sangano reJOMIC rinofanira kusimbiswa kuti ribatsire mukugadzira mabopoto ari munyika.

SADC iri kutarisirwa kuita musangano wakakosha neMugovera kuSouth Africa kuJohannesburg kumucheto wemusangano weSADC neCOMESA. Musanbgano uyu uri kutevera wakaitwa neSADC troika kuLivingstone, Zambia munaKukadzi. Musangano wekuZambia uyu wakashora zvikuru Zanu-PF nenyaya yemhirizhonga uye nekuisa zvigutswa munzira yekuunza hutongo hwejechetere munyika.


Asi Zanu-PF inonzi yave kushandisa mapurisa kuti iti MDC-T ndiyo iri kuita zvemhirihonga. Nyaya yekupondwa kwemupurisa pamwe nekukandwa kwebhambo kumba kwemunyori mukuru weMDC VaTendai Biti yapa kuti munyika musagadzikana.

NeChina masangano akazvimira oga ari muSouth Africa akurudzira SADC kuti itaure nezvegwara rakajeka resarudzo uye kuvandudza mabasa emapurisa, mauto uye vesangano revasori. Masangano aya ati anoda bumbiro remitemo rakajeka.

Asi musangano uyu unonzi wamboda kukanganiswa nevamwe vechidiki veZanu-PF vange voita zvemhirizhonga. VaDewa Mavhinga Regional Information and Advocacy Coordinator wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition vanoti gore rino kuita sarudzo kungava kupedza nguva.

XS
SM
MD
LG