Accessibility links

Breaking News

VaZuma Mbune Vonyora Gwara reSarudzo muZimbabwe


Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, avo vanonzi vaneta nekunetsana kuri muhurumende yemubatanidzwa, vave kutora ivo danho rekuronga gwara resarudzo munyika kana kuti Elections Roadmap.

VaZuma ndivo mutongi gava weSADC pagakava riri muZimbabwe. VaZuma vaimbenge vati vari kutungamira nhaurirano mumapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa vaumbe gwara resarudzo iri.

Asi ikozvino vanoti vave kushanda nemapato kwete vamiriri vemapato matatu anoti Zanu PF neMDC mbiri. VeZanu-PF nevemapato maviri eMDC vabvuma kuti izvi ndizvo zvave kuitika kunyange hazvo vati havasati vawana gwaro racho kubva kuna VaZuma.

Asi vane ruzivo nezviri kuitika vanoti gwara resarudzo richabuda pasati paitwa musangano weSADC Troika muna Ndira.

Chipanga mazano chaVaZuma, Muzvare Lindiwe Zulu, vanoti South Africa ichanyora gwaro iri asi vati vanotarisirawo kuti mapato ari muhurumende aite zvimwe chetezvo.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti VaZuma vachatora zvakawanda kubva muzvinhu zvakanyoreranwa pasi kare nezvesarudzo muSADC.

Sachigaro vesangano rinoona nezvesarudzo, VaTinoziva Bere, vanoti zviri kuda kuitwa naVaZuma ndizvo chaizvo zvinofanira kuitwa kuitira kuti nyika iite sarudzo dzakachena.

XS
SM
MD
LG