Accessibility links

Breaking News

VaZuma Havana Kutaura Nyaya yeZvirango naVaObama


Hukama hweMDC neANC hauna kumira zvakanaka zvichitevera mashoko aVaMalema

Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, havana kutaura nyaya yekuti zvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nevamwe vavo muZanu-PF, zvibviswe apo vakasangana nemutungamiri weAmerica, VaBarack Obama.

Zvinofungidzirwa kuti VaZuma havana kuita izvi nenyaya yekutya kuramba vovhiringidza hukama hwavo neMDC, uho husina kumira zvakanaka. Hukama hweMDC ne ANC hauna kumira zvakanaka mushure memashoko ekunyomba akataurwa nemutungamiri wezvechidiki mu ANC, VaJulius Malema, avo vakati ANC inotsigira Zanu-PF chete pavakashanya kuZimbabwe, uye vadzokera kuSouth Africa.

Mutauri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti vakatonyora tsamba yenyunyuto kuANC vachiti havana kufara nemashoko aVaMalema. MDC inoti haichaziva kuti VaZuma vangaite mutongi gava here kana ANC ichiti inotsigira Zanu-PF. ANC haisati yapindura tsamba iyi.

Asi VaZuma vakaedza neMugovera kushora VaMalema vakati maitiro avo anokanganisa nhaurirano dziri muZimbabwe. Asi neSvondo VaMalema vakati pavakenda kuZimbabwe, VaZuma vaizviziva uye hapana muANC akavaudza kuti vasadyidzane neZanu-PF.

Izvi zvapa kuti MDC Eastern Cape Branch itiwo VaMalema vanofanira kukumbira ruregerero.

VaCharles Mangongera vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMangongera vanoti VaZuma vaiswa parumananzombe naVaMalema.

XS
SM
MD
LG