Accessibility links

Breaking News

VaZiyambi Vopomerwa Mhosva yeKuda Kutyisidzira Vatongi neNyaya yaVaMalaba


VaLuke Malaba naVaEmmerson Mnangagwa
VaLuke Malaba naVaEmmerson Mnangagwa

Mapato anopikisa nemasangano anorwira kodzero dzevanhu ari kushora zvikuru gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi nemashoko avakaburitsa kuvatori venhau neMugovera anonzi akanangana nekuda kutyisidzira vatongi, vanopikisa nevano rwira kodzero dzevanhu munyika.

Mushure mekunge dare repamusoro rapa mutongo wekuti vaLuke Malaba vaifanira kuenda pamudyandigere nekuti kuwedzerwa kwavomamwe makore mashanu nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa ekuti varambe vari pabasa kutyora bumbiro remitemo, VaZiyambi vakati vatongi vedare repamusoro vainge voshanda nevavengi kuda konzera kusagadzikana munyika.

Vatongi vatatu vari kushorwa ndiJustice Happias Zhou, Justice Edith Mushore naJustice Jesta Charehwa. VaZiyambi vakashorawo bato reMDC Alliance nereZimbabwe Lawyers for Human Rights vachiti ainge achida kupidigura hurumende.

Asi vakayambira kuti havasi kuzopeta maoko sezvo vaironga kujunga muvengi muziso.

Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights mumashoko kuvatori venhau rakurudzira VaZiyambi kuti vatende kuti vakakanganisa nekuti mashoko avo anodzosera kumashure hutongo hwejekerere munyika. Sangano iri rarambawo nyaya yekuti riri kuda kupidigura hurumende.

VaZiyambi vaudza Studio 7 kuti vachazopindura mibvunzo yedu sezvo vange vari panzvimbo yange isiri kubata nharembozha zvakanaka. Asi vakatozivisa kuti vachapikisa mutongo uyu neMuvhuro.

Mukuru weZimrights VaDzikamai Bere vashora zvikuru mashoko aVaZiyambi aya vachiti hurumende haifanire kupindira munyaya dzematare.

Gwetau uye vakambova chipangamazano chevaimbova mutungamiri wehurumende mushakabvu Morgan Tsvangirai, Dr Alex Magaisa vati mashoko aVaZiyambi anoshoresa nyika sezvo inobva yaita kunge wada watonga.

Vachitaurawo nezvenyaya iyi, gweta vari nhengo yeZanu-PF VaObert Gutu vanoti nyaya iyi ichiri hayo mbishi sezvo hurumende yazivisa kuti ichapikisa mutongo uyu. Asi vati pane mukana wekuti varu kupikisa vanobudirira mudare repamusoro soro.

Judicial Services Commission kana kuti JSC yakabva yadoma vaive mutevedzeri waVaMalaba, Amai Elizabeth Gwaunza kuti vafanobate chigaro chekuva mutongi mukuru wematare.

Vanga vachipikisa zvakaitwa naVaMnangagwa zvekuwedzera makore ekuti VaMalaba varambe vari pabasa, ndevesangano reYoung Lawyers Association of Zimbabwe, Zimbabwe Human Rights NGO Forum uye murwi wehondo yerunungunuko VaFred Mutanda.

Vari kupikisa ava vari kuti VaMalaba havafanirwe kuwana cheuviri pakuvandudzwa kwebumbiro remitemo yenyika sezvo zvichityora zvimwe zvikamu zvebumbiro zvinorambidza kuvandudzwa kwemitemo kuitira kuti vatongi vematare vari pabasa, vawane cheuviri kubva mukuvandudzwa kwemitemo yenyika.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG