Accessibility links

Breaking News

Kutengeswa kweMangoda Kounza Mufaro muZimbabwe


Vatungamiri venyika, avo vanosanganisira mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joyce Mujuru, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemumwe wevatevedzeri wavo, VaArthur Mutambara, vachange vari kuHarare International Airport neChitatu, vachiona vanhu vachikwikwidzana pakutenga mangoda ekwa Marange.

Vatengi vazhinji vari kubva kunyika dzakasiyana siyana vari kutarisirwa kunge varipo. Zimbabwe yakapihwa mukana wekutengesa mangoda ayo pamusangano weKimberly Process wakaitirwa muSt Petersburg ku Russia mwedzi wapera.

Gurukota remigodhi, Va Obert Mpofu, vati hurumende, kuburikidza nekambani yehurumende yeZimbabwe Mining Development Corporation, ZMDC, ichawana zvikamu makumi mashanu kubva muzana, zvemari ichawanikwa pamangoda aya.

ZMDC ine hupfumi hunosvika zvikamu makumi mashanu kubva muzana mumakambani ari kutengesa mangoda e Mbada Diamonds neCanadile Mining Company.

VaMpofu havana kubuda pachena kuti mari yehurumende ichabharwa sei kuitira kuti ikurumidze kupinda muhomwe yehurumende, iyo iri pasi pebazi regurukota rezvemari, VaTendai Biti.

Va Mpofu vati mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vaenda ku China, vachange vakamirirwa nemutevedzeri wavo, Amai Mujuru, avo vakafanovabatira matomu emutungamiri wenyika pari zvino.

Imwe nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvezvichetrwa, Va Moses Mare, vanoti chavari kukurudzira sekomiti kuti zvinhu zvekutengeswa kwemangoda aya zviitwe nenzira yakachena.

XS
SM
MD
LG